‘Vana ngavaite E-learning’

Daphne Machiri —
ZVAKAKOSHA kuti vana vechikoro, zvikuru vegwaro reECD, vadzidziswe makombiyuta kuburikidza nechirongwa cheE-learning kuitira kuti vakure vachifambirana nenguva.

Kurudziro iyi yakaitwa nemukuru wesangano rakazvimirira, reDzidzo Inhaka – VaShepherd Chimururi – muhurukuro neKwayedza nguva pfupi yadarika.

Vanoti sangano ravo riri kupinda muzvikoro pamwe nemumakireshi richidzidzisa vana makombiyuta.

“Nyaya iripo ndeyekuti vana vechikoro vasabatira ruzivo rwemakombiyuta pamusoro, vanofanirwa kukura vaine ruzivo rwemakombiyuta kubvira padanho reECD sezvo achishandiswa kusvika kumayunivhesiti nemumabasa,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Takatarisana neNew Curriculum iyo inokurudzira chirongwa cheE-learning, saka isu tiri kufambirana nechirongwa ichi.”

Vanoti pasi pechirongwa chavo, vari kubatsirawo zvimwe zvikoro zviri kumaruwa.

“Hatisi kusimudzira zvidzidzo zvemakombiyuta muzvikoro zvemumaguta chete asi kumaruva tiri kusvika zvakare. Mwana wese ane kodzero yekuwana ruzivo, zvisinei nekuti ari kumaruwa kana kudhorobha,” vanodaro VaChimururi

Vanoti gore roga-roga vanoita makwikwi evana vekireshi ezvidzidzo zvekushandiswa kwemakombiyuta.

“Tinoita makwikwi ekushandisa makombiyuta gore roga-roga apo vana vekireshi vanenge vachivaka mazwi, kupenda mifananidzo yemhuka nezvimwe zvakasiyana zvezera ravo,” vanodaro VaChimururi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *