Kenduru tsve pachigubhu chizere peturu

Fortunate Gora ari kuCHINHOYI
MUNYAYA inosiririsa zvikuru, mudzimai wechidiki aigara kuTengwe Township, kuChinhoyi, akatsvira mumba mushure mekunge abatidza kenduru ndokuiisa pamusoro pechigubu chaive nepeturu zvikaita kuti chibatire, imba yose ndokuririma nemoto apo aitandara nevamwe vake vaviri.

Tambudzai Mafara anonzi akafira mumba umu apo Spiwe Mambirivana (33) naMakura Mambirivana (20) vakakwanisa kupukunyuka nepaburi retsono mutsaona iyi kunyangwe zvazvo vaviri ava vakakuvara zvakaipisisa uye vachiri kurapwa muchipatara cheKaroi. Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara, vanotsinhira nyaya iyi vachiti yakaitika nemusi wa23 Ndira.

Vanoti Mafara aitandara aina Spiwe naMakura apo vaive vakaisa kenduru yaibvira pamusoro pechigubhu chaive nepeturu sezvavaichiita mazuva ose. Vatatu ava vanonzi vakazongonzwika naUnity Mugutu — uyo aibika panze — vave kuita ruzha mumba vachichema.

“Unity Mugutu akaedza kuvhura gonhi remumba maive nemadzimai aya asi akakundikana sezvo rainge rakavharwa nemukati. Spiwe naMakura vakazonanaira kuhwindo ndokukwanisa kubuda mumba umu, asi Mafara akafiramo,’’ vanodaro Insp Mabgweazara.

Spiwe naMakura vakazoendeswa kuchipatara cheKaroi uko vachiri kurapwa.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×