‘Reva chokwadi, kuti uri pfambi’

Milcah Nhakura naTatenda Shuro
MUKADZI wekuendesa amainini — mudzimai wababa vake — kudare achiti vari kumushungurudza akazoshaya pekupinda apo vakamuti ipfambi yemakoko uye nyaya yavanogara vachinetserana ndeyekuti haadi kutsiurwa. Gladys Nyika akamhan’arira Dorothy Chikwenenge wekuDomboshava kuHarare Civil Court achiti anomushungurudza.

“Vanondirova pamwe nevana vavo vachinditi ndivo vanotonga pamusha, haundiudze zvekuita,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Dambudziko rangu harisi repfuma yakasiiwa nababa vangu pavakafa 2001, asi nderekuti mundipewo gwaro redziviriro kubva kuna amai ava sezvo ndave kutadza kugara navo zvakanaka.”

Nyika anoti Chikwenenge anomushungurudza kunyangwe pakati pehusiku.

“Kunyangwe pakati pehusiku handirare. Vanondimutsa vachiti ndivabatsire kupepa mwana wavo anorwara,’’ anodaro.

Chikwenenge anopikisana naNyika achiti nyaya yavari kunetserana ndeyekuti anoita chipfambi. Mutongi Noah Gwatidzo akarasa chikumbiro chaNyika achiti haana kupa umboo huzere.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×