Kereke inofa nei?

Munyaradzi Gunduza

Musoro wekuti Kereke Inofa unojekeswa naZebra akanga asingachaite zvekunamata. Izvi zvinoonekwa paanenge ari kumba kwake kuGlen View 7, achinwa doro nasekuru vake Joram, asisina hanya nekunamata semadudzirwo azvo naCharles mwana wake, paanoti akanga ave kudya asina kutanga anamata sezvaaisimboita zvinoratidza kuti kereke yaive yakufa nekudzokera kwake shure.

Musoro webhuku unotsigirwa naPastor Mwenje vanokumbira rutsigiro rwaMary kuti kereke isaparara. Izvi tinozviona pavanenge vari kumba kwavo kuMarimba Park manheru.

Pastor Mwenje vanenge vachikumbira Mary kuti avakanganwire kumutadzira kwavakaita kuburikidza nekusazvibata pavanopa Sarah mwana. Vanoti vaifanira kuita muonerapamwe naMary senzira yekudzivirira kereke yavo kuti isaparara. Musoro webhuku iri unotsigirwa naSarah naPastor Mwenje vanobvuma kuti kusazvibata kwavo kwaizoparadza kereke yeRevelations.

Izvi zvinobuda kuMarimba Park manheru, pavanobvunzwa naMary kuti nhengo dzekereke dzikaziva nezvekusazvibata kwavo kunoita kuti vapanane mwana murudo rwechivande chii chaizotevera, vese vari vaviri vanomupindura vachiti kereke yaizofa.

Tinoenderera mberi svondo rinouya.

Zvinyorwa izvi zviri mubhuku rakanzi Ongororo yeNhetembo neMabhuku Shona O-Level.

Nhare: 0772 610 360

Email: [email protected]

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *