Khan orongera Pacquiao

MUSHURE mekunge anyimwa mukana wekurwa naFloyd Mayweather, Amir Khan ave kutarisirwa kusangana naManny Pacquiao kutanga kwegore rinotevera.

Puromota waPacquiao, Bob Arum, akazivisa kuti hurukuro dziri kuenderera mberi pakati pezvikwata zviviri izvi uye zvinotarisirwa kuti shasha idzi dzinogona kurwa muna Kukadzi kana kuti Kubvumbi.

“Tange tiri kuronga mutambo waManny Pacquiao kupera kwaKukadzi, kana kuti kutanga kwaKubvumbi,” Arum akaudza Sunday Telegraph.

“Kurume haaite nekuti kune mutambo webasketball mukuru uri kuUnited States. Ndiri pakati pekukurukura nevamiriri vaAmiri Khan vanove sekuru vake, Robert Davis, uye hurukuro dziri kufamba zvakanaka.

“Ndinoziva kuti pane nyaya yekuti Khan ari kuuya kuzosainirana naRuslan Provodnikov, akandizivisa ini kuti hakuna zvakadaro”.

Sekutaura kwaArum, anoti ari kungoita hurukuro naKhan chete parizvino.

“Handisi kuti hurukuro dzacho dzichabudirira, kunyangwe hazvo ndichiziva kuti munhu wose ari kukurukura mune zvakanaka. Apo tiri kuita hurukuro idzi handisi kuzotsvaga mumwe mutambi anorwa naManny Pacquiao.

“Pane tarisiro yekuti vanogona kurwira kuDubai, asi ndinofunga kuti vanorwira kuLas Vegas,” akadaro. Vatambi vaviri ava vose havasati vambopinda munhandare yetsiva kubvira mitambo yavo yekupedzisira apo Pacquiao akakundwa naMayweather kozoti Khan akakunda Chris Algieri kuNew York. — Daily Mirror

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×