Kitch akasayina kondirakiti

MUTAMBI werugby weLeicester, Graham Kitchener, akasaina imwe kondirakiti itsva kuchikwata ichi icho chinokwikwidza muAviva Premiership.

Kitchener (25) ari mugore rechina achitambira kuWelford Road zvichitevera kutengwa kwaakaitwa nemaTigers achibva kuWorcester muna 2011.

Kondirakiti yake itsva iyi iri kuuya zvichitevera kutengwa kwaOwen Williams wekuWales neLeicester.

Kitchener akambotambira England Saxons uye akambenge ari muchikwata cheEngland chevakuru kunyangwe hazvo asati ambochitambira.

“Kitch’ akagadzira zita rake uye mumwe wevatambi vepamusoro vari muchikwata chedu, atamba zvinonwisa mvura mumakore ake mana kuno,” Leicester rugby director Richard Cockerill akadaro.

“Pamwe nekuvandudza matambiro ake, akasvika pakutora danho rekutungamira chikwata uye isu tinoda kumuona achikura muchikwata chedu ari pakati pevatambi vechidiki vatinavo kuno.

“Ange ari mutambi wepamusoro mumitambo mikuru yedu muAvia Premiership nemuEurope, uye tinovimba kuti acharamba achikura mutambo wake uchishanduka kuno”. — Sky Sports News

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×