Maticha 200 vodzoserwa kuchikoro

HURUMENDE yakasarudza varairidzi 200 avo vachaendeswa kune imwe yunivhesiti yemuno kuti vanodzidziswa mitauro yemuZimbabwe, iyo ichange yave kunyorwa pabvunzo muzvikoro munguva iri kutevera. Mashoko aya akataurwa negurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vachiti izvi ndizvo zviri mubumbiro idzva remutemo wenyika iro rinocherechedza kukosheswa kwemitauro 16 yemuZimbabwe.

Vakati apo varairidzi ava vanopedza zvidzidzo izvi, vachaendeswa kuzvikoro zvepuraimari nesekondari kubasa.

“Patiri kutaura kudai, tine varairidzi 200 vari kufundiswa paGreat Zimbabwe University madzidzisirwo emitauro yakasiyana muzvikoro,” vakadaro.

Izvi zvinotevera kucherechedzwa kwakaitwa mitauro 16 munyika mubumbiro remutemo, reConsitution of Zimbabwe Amendment (No.20), semitauro inofanirwa kushandiswa zviri pamutemo kunze kweShona, Ndebele neEnglish bedzi.

Mitauro yakaita seTonga yakatanga kucherechedzwa gore rapera pamwe chete nemimwe yakadai seChewa, Chibarwe, Shangani, Ndau, Khoisan, Tswana, Venda, sign language, Sotho, Nambya neXhosa.

Zvichadadaro, Dr Dokora vakati vabereki vanenge vashaya nzvimbo dzeForm 1 dzevana vavo vanofanira kunoona vakuru vezvedzidzo kumatunhu avo, maDistrict Education Officers.

Vakati kune mashoko akasvitswa kwavari ekuti kune vabereki vari kunetsekana kuwana nzvimbo dzevana dzeForm 1.

Kurudziro yaDr Dokora yauya apo kwasara masvondo maviri kuti zvikoro zvivhurwe.

“Ndakaziviswa kuti kune vamwe vabereki vane chitsama vachiri kutsvaga nzvimbo dzevana dzeForm One.

“Vabereki vakadaro vanokurudzirwa kuti vaone maDistrict Education Officers kuti vabatsirwe.

“MaDistrict Education Officers aya achavaudza zvikoro zvebhodhingi kana zvimwe zvichiine nzvimbo dzevana,” vakadaro.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×