Koshesai dzidzo — Ollah 7

Abel Ndooka —
VANA vechikoro vari kukurudzirwa kuti vakoshese dzidzo yavo kuitira kuti vagove neremangwana rakajeka. Kurudziro iyi yakaitwa svondo rapera nemushamarari ane mukurumbira wenhepfenyuro yeStar FM, Owen “Ollah 7” Madondo apo aive muyenzi anoremekedzwa pazuva rekupa mibairo kuvana pachikoro cheHandina Primary School, kuNyazura.

Ollah 7, uyo akadzidza pachikoro ichi, anoti vana vechikoro vanofanira kushandisa mukana wavanenge vawaniswa kuti vadzidze nesimba.

“Vana shandisai mukana wamuri kuwaniswa kudzidza zvakasimba kuti muzvigadzirire remangwana renyu. Rambai upenyu hwepasi husina pundutso, saka kuti zviitike saizvozvo dzidzai nesimba muzova nemabasa anoita kuti musimukire,” anodaro Ollah 7.

Anoti ane chishuwo chekusimudzira chikoro ichi kuburikidza nenzira dzakasiyana uye akatotengera chikoro ichi kombiyuta neprinter. Ane hurongwa hwekubhadharira vamwe vana mari dzechikoro.

“Muno varimo vamwe vana vanogona muchikoro zvinonwisa mvura, saka ndinoda kuvasimudzira nekuvabhadharira mari dzechikoro dzegore rose. Izvi zvandiri kuita kuedza kusimudzira kwandakabva uye shuviro yangu kuona dzidzo yevana ava ichifambira mberi, ramangwana ravo rigojeka,” anodaro Ollah 7.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *