koshesai nzvimbo dzinoyera: mambo

Kingstone Mapupu
MAMBO vekuBuhera, kudunhu reManicaland, vari kukurudzira veruzhinji kuti vakoshese nzvimbo dzinoyera dzakaita semakomo nedonzvo rekuchengetedza tsika nemagariro evatema. Mashoko aya akataurwa naMambo Chimombe, VaCausemore Chimombe, zvichitevera vamwe vanamati vasiri kukoshesa nzvimbo dzinoyera, idzo vanoenda vachinonamatira kana kuitira misangano pasina avapa mvumo.
“Tine vana vadiki vasingazive kuti chinonzi kuyera chii, avo vanoda kuramba vachiratidzwa nzvimbo idzi. Isu semadzishe nemadzimambo tikasiya nzvimbo idzi dzichiparadzwa tinenge tichiparadza nhaka yemadzitateguru edu.

“Izvozvi munoona kuti zvisipiti chaizvo hakusisina, vana vave kutoita zvekuona mumifananidzo,” vanodaro.
“Muno tine masabhuku, madzishe nemadzimambo, makanzura, masvikiro nevamwe vane hutungamiri vatinokurudzira kuti vachengetedze chivanhu chedu. Tine gomo raizivikanwa nekuyera muno, reMunwewamwari kudivi raSadunhu Nemhare, iro mapositori vanobva kure vachida kukwira mugomo iri chete uye vanonzi vanowana masimba kubva imomo,” vanodaro mambo ava.

Mugomo reMunwewamwari munonzi mune ninga dzaivigwa madzimambo emudunhu iri kare.
Masvikiro emudunhu iri zvakare anonzi ainopira imomo kana paine matambudziko ainge atarisana nenharaunda.

Mambo Chimombe vakashora mapositori anokwira mugomo iri vachida kunotora masimba evafi vachiti uku kuita kwemadhimoni kana kuti mweya yakaipa.

Vanoti rimwe remakomo anoyera kudunhu ravo ndereGomasha, iro rinoyerera mvura nguva dzose dzegore asi isingaonekwe painobuda.
“Iri gomo reMunwewamwari rine dombo refu risingakoromoke apo mapositori vanonokwira vachibva kumativi mana enyika. Vanonzi ipapa vanowana masimba kubva muchivanhu nezvishamiso zviripo uye vanouya vachipedza mazuva varipo uchivanzwa vachichema nemweya,” vanodaro.

Mambo Chimombe vanoti nzvimbo idzi dzinofanirwa kuitirwa mapira nechimwe chivanhu kwete kuti mapositori anowanikwa achikwiramo.
VaGilbert Kamhunga (32) vanogara munzvimbo iyi vanokurudzira madzishe kutora matanho kune avo vasingakoshesi nzvimbo dzinoyera.
“Isu vechidiki tinoda kuti chivanhu chedu chichengetedzwe saka nzvimbo idzi dzinoda kuti dzikosheswe,” vanodaro VaKamhunga.

Mamwe emakomo anoendwa nemapositori vachinzi vanoda kuzvisimbisa munyika muno anosanganisira ekuDomboshava, kuDomboramwari kuEpworth, kuNharira kuNorton, kuGandavaroyi kuGokwe nekugomo raChaminuka kuChitungwiza.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×