Japan yovakisa chikoro. . . yakanyorerana chibvumirano che$81000

Malven Mugadzikwa
MUMIRIRI weJapan muZimbabwe, Ambassador Yoshi Tendai Hiraishi vanoti nyika yavo yakazvipira kusimudzira dzidzo yemuno. Vakataura mashoko aya pachikoro cheChishayavhudzi Secondary School, kuChegutu, nguva pfupi yadarika apo vakanyorerana chibvumirano nesangano reAfrica Book Development Organisation (ABDO) chemari inodarika $81 000 yekuvaka dzimba dzekudzidzira pachikoro ichi.

“Nyika yeZimbabwe, sedzimwe nyika, ichiri kuda kusimudzira dzidzo, kunyanya takatarisana nezvikoro zvesekondari. Izvi zvinogoneka chete kana pachivakwa zvikoro zvekuti vana vadzidzire uye vachiwana zvekushandisa zvakakwana.

“Zvinoratidza kuti muno munyika nyaya yekuvakwa kwezvikoro haisati yazadzikiswa sezvo pachiine zvikoro zvakawanda zvichiri kuda kuvakwa nekuvandudzwa. Izvi hazvisi muZimbabwe chete asi nekune dzimwewo nyika,” vakadaro.

Ambassador Hiraishi vanoti zvakakoshawo kuti vadzidzisi nevabereki vashande pamwe chete mukuvandudza dzidzo munyika.
Mukuru weABDO, VaAlbert Mazula, vanoti sangano ravo rine donzvo rekusimbaradza dzidzo muZimbabwe, kwete kuburikidza nekupa mabhuku chete, asi kuti chero nepekudzidzira pacho.

“Vana pano madzidziro avo anga asina kunyatsomira zvakanaka nekuti pane imwe nguva yavaitombodzidzira pasi pemiti.
“Pari zvino vanga vava kushandisa mimwe midhuri yevana vepuraimari.

“Kurudziro yedu ndeyekuti vabereki vakoshese rubatsiro rwakadai nekuti zviri kuitirwa vana vavo. Vanofanira kuona kukosha kwazvo kuti hurumende yekune imwe nyika iri kuuya ichipa rubatsiro muno. Naizvozvo vabereki ngavauyewo vachibatsira chero nekuchera mvura zvayo mukuvakwa kwechikoro ichi nekuti zvinosimudzira dzidzo munharaunda yavo,” vakadaro.

Vanoti sangano ravo richatenga zvakare zvigaro zvevadzidzi pamwe nekuwedzerawo mabhuku ekuverenga.
District education officer weChegutu, Mai Petronella Nyangwe vakatenda zvikuru rubatsiro urwu.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×