‘Koshesai zvidzidzo zvemitambo netsika’

Daphne Machiri
ZVIKORO zviri kukurudzirwa kukoshesa zvidzidzo zvemitambo netsika kubvira kupuraimari kusvika kusekondari sezvazvinongoita kune zvimwe zvidzidzo. Kurudziro iyi yakaitwa nasachigaro weNational Association of Primary Heads kudunhu reMbare/Hatifield, Mai Benita Bera, pamakwikwi emitambo netsika edunhu iri ayo akaitirwa paChitsere Primary School nguva pfupi yadarika.

“Zvakakosha kuti vana vadzidze zvemitambo netsika kubva pazera reEarly Childhood kusvika kusekondari,” vakadaro Mai Bera.
“Mitambo yakaita semadhirama, kuridza ngoma pamwe neyechinyakare inofanirwa kuitwa muzvikoro sezvimwe zvidzidzo.”

Vakaenderera mberi nekutenda sangano revakuru vezvikoro nekutsvaga nyanzvi dzinodzidzisa vana pamusoro petsika nemagariro.
“Makwikwi emitambo netsika akangofanana nebvunzo dzemazamanishoni dzekunyora nekuverenga naizvozvo ngatisimudzirei mitambo netsika kubva kupuraimari.

Zvakare zvinopa vana vane matarenda mikana yekuti vange vachisimuka izvo zvinogona kuzobatsira muraramo yavo mune remangwana,” vakadaro. Vachitaurawo pachiitiko ichi, District Education Officer vanoona nezveArts and Culture mudunhu reMbare/Hatfield, Mai Spiwe Jiri, vakatsinhira kuti mitambo yetsika nemagariro zvinofanira kukosheswa muzvikoro.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×