Nyakoko ochema nevakotsveri

WILSON Nyakoko
WILSON Nyakoko

Abel Ndooka
SHANGWITI yemujaho wewiricheya Wilson Nyakoko anoti otemeswa musoro zvikuru nekushaya vakotsveri vanokwanisa kumutengera wiricheya itsva kuti akwanise kuzokwikwidza mumakwikwi akasiyana. Anoti kushaya rubatsiro kwaari kuita kuri kukanganisa tarenda rake sezvo ari mumwe wevatambi vemujaho uhu vane mukurumbira wekuhwapura menduru munyika.

Muchinda uyu anoti akambozama kutsvaga rubatsiro kubva kumasangano makuru akasiyana asi akashaya vakakwanisa kutambanudza mawoko avo kwaari kuti vamubatsire pachichemo chake.

“Nyaya yewiricheya yave kunditemesa musoro, ndave kushaiwa kuti ndoita sei.
“Iye zvino ndiri kutotadza kuita gadziriro dzangu nekuti ndinofanirwa kugara ndakagadzirira kuitira kana pakanzi paita mujaho uripo.
“Wiricheya yandinayo yakasakara zvikuru, hapana zvandinokwanisa kuita nayo saka ndiri kuda imwe itsva basa rangu rione kufamba mugwara chairo.

“Masangano mashoma anozvipira kushanda nesu vanorarama nehurema, vamwe vacho vanozongooneka chete kana tadzoka tahwina apo vanenge vave kushandisa kuhwina kwedu kushambadza makambani avo.

“Ndapererwa asi handingasiye chipo changu chichiparara,” akadaro Nyakoko.
Munguva yadarika, Nyakoko akakundikana kuenda kuUnited States of America kunokwikwidza kumutambo weRidgewood Annual 10 000km Wheelchair Challenge mushure mekunge ashaya vakotsveri vakamubatsira kuti awane US$2 500 yaidiwa kuti aende kumutambo uyu.

Related Posts

PSL yaranga DeMbare, Hardrock

Abel Ndooka PREMIER Soccer League yaranga zvikwata zvinoti Hardrock FC neDynamos pamwe chete nachamangwiza weHardrock FC – Kudzanai Hove – zvichitevera mhirizhonga yakaitika kuChahwanda Stadium nemusi wa24 Chivabvu apo pakasangana…

Makororo matatu asungwa aba mombe 95

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kwaMubaira kuMhondoro, kuMashonaland West vakasunga makororo matatu nekuda kwemhosva yavari kupomerwa yekuba mombe 95 kudunhu iri. Mutauriri wemapurisa kuMashonaland West, Inspector Ian Kohwera,…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×