‘Koshesai zvidzidzo zvesainzi’

GURUKOTA redzidzo yepamusoro, sainzi pamwe nekusimudzirwa kwemichina, Cde Oppah Muchinguri-Kashiri, vanoti Zimbabwe inofanira kukoshesa zvidzidzo zvesainzi sezvo zviri izvo musimboti webudiriro yeupfumi hwenyika.

Vakataura mashoko aya svondo rapera muHarare pakuparurwa kwechirongwa cheAfrican Science Innovation Technology Indicators Survey Programme icho chaitsigirwa nesangano reNew Partnership for African Development rakabatana neAgency of African Union.

“Hunyanzvi hwezveScience hunoita kuti pave nekuvandudzika kweupfumi hwenyika pamwe nekuvepo kwemabasa uye tinofanirwa kufambirana nedzimwe nyika dzepasi rose,” vakadaro Cde Muchinguri- Kashiri. “Zvinosimudzira zvakare vemabhizimisi madiki sezvo zvichiita kuti vakwanise kukwikwidzana nevedzimwe nyika. Kare vanhu vaitarisira pasi mabhizimisi madiki pamwe nezvidzidzo zveScience asi iye zvino zvava kudikanwa mubasa ripi zvaro nekuti zvinosimudzira upfumi hwenyika.”

Zvakadaro, mutsvakiridzo yakaitwa pasi rose dzehunyanzvi hwekusimukira munyaya dzezvesainzi, dunhu reSadc rakaonekwa riri rimwe remamwe ari padanho repamusoro.

Cde Muchinguri-Kashiri vakaenderera mberi vachiti sezvo vachidiki vari ivo vatungamiriri vemangwana, zvakakosha kuti vave neruzivo rwezvesainzi uye vanofanira kupihwa mikana yekuratidzira zvigadzirwa zvavo.

“Nyanzvi dzezveScience dzinofanirawo kuwana mikana yekushanyira dzimwe nyika nedonzvo rekuti dzivandudze ruzivo,” vakadaro.

“Sebazi tichasimudzira zvidzidzo zveScience kuburikidza nekuti pave nemitemo inoita kuti zvidzidzo izvi zvivandudzwe,” vakadaro Cde Muchinguri-Kashiri.

 

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×