Kubatana kune simba: Mundhluri

MUIMBI wenziyo dzechitendero, Zet Mundhluri, anoti zvakakosha kuti vaimbi vabatane mukutsikisa nziyo nedonzvo rekusimudzirana.

Mundhluri akataura mashoko aya nguva yadarika mushure mekubuditsa kambo kake katsva kanonzi ‘Handikusiye’ ako akatsikisa akabatana naCasey Madzivire-Sekiwa.

Madzivire- Sekiwa – uyo anoimbawo nziyo dzechitendero – akamboimba nechikwata cheZimpraise.

Mundhluri akabva kubuditsawo zvakare DVD rake idzva rine nziyo kubva mumadambarefu akasiyana-siyana aakaimba kare.

Muhurukuro neKwayedza, Mundhluri anoti gore rino anotarisira kubuditsa nziyo dzakawanda akabatana nevaimbi vakasiyana senzira yekuvandudza basa rake pamwe nekusimudzawo vamwe vaimbi.

“Chinangwa chikuru chekubatana nevamwe vaimbi ndechekusimudzira chipo chiri mandiri nevamwe vandinenge ndabatana navo. Gore rino, ndakarirongera kuti ndinofanira kuimba nziyo dzakawanda dzakasiyana ndichibatana nevamwe vaimbi.

“Pakambo aka kachangobuda ndakaona kuti naCasey takagadzira hukama hwakanaka kusvika pakuti tikwanise kutsikisa kambo tose. Ndiri kuona simba rekubatana kwatakaita kuburikidza nekufarirwa kwakari kuitwa nevatsigiri pamwe chete nevenhepfenyuro dzekuSouth Africa nemuZimbabwe,” anodaro.

Mundhluri anoenderera mberi achiti, “Kambo kanonzi Handikusiye kanotaura pamusoro pevimbiso yaMwari kuvanhu vake yekuti haavasiye chero munguva yakaoma.

“Kambo kanokurudzira vanamati kuti varambe vakabatirira muvimbiso yaMwari  vachinamata. Dingindira renziyo dzangu ndere kutendeutsa veruzhinji kuti vazive kunamata Mwari uye varambe vachishinga mukunamata.”

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×