Vovimbisana rufu

Trymore Muvhawa—

BOTSO rekurwira murume pakati pavahosi nanyachide rakazoguma rasvika kudare redzimhosva apo vakange voda kupisana nepeturu pamwe neparafini.

Alice Nyamayaro ndiye akamhan’arira vahosi vake, Kuziva Garanewako, kuHarare Civil Court.

“Ndatambudzwa nemukadzi uyu. Tiri pamurume mumwe chete, iye ndiye mukuru asi anondishungurudza. Anouya kumba kwangu achindipumha huroyi. Anoti zvakare anoda kundipisa neparafini saka ndava kugara ndichitya.

“Mumwe musi akauya kumba akanditukirira vanhu vachinzwa.

‘‘Iko zvino chero nevana vava kungonditi muroyi, vamwe vachinditi pfambi saka handichina rugare pamusana pavo,” akadaro Nyamayaro. Akati Garanewako ane shanje dzinobvira moto sezvo kana akatengerawo murume wake hembe anodzitora obva adzipisa.

“Ndikatengera murume hembe vanodzipisa vachiti usapfeka hembe dzabva kupfambi yako, asi ini handisi pfambi ndakatonyengwawo semaitiro avakaitwa ivo,” akadaro Nyamayaro.

Achipawo divi rake, Garanewako akati Nyamayaro ndiye ane tsika yekupindira munyaya dzavo kana achinge anetsana nemurume wake.

“Mukadzi uyu ndiye ane tsika yekutora murume achigara naye kumba kwake. Ini pandinoenda ndichida kunotora murume iye anobva apindira.

‘‘Zvakare, iye ndiye akatanga kuti anoda kundipisa nepeturu saka ini ndakamuudzawo kuti parafini haipise pane peturu saka ini ndiyo yandinomushandisira,” akadaro.

Akaenderera mberi achiti, “Anotora murume achigara naye, anofunga kuti ini nevana kumba tinenge tichibatana neyi?

‘‘Uyezve iye ndiye akatanga kundiudza chipfambi, akanditi ukaona mukadzi anogerwa mapangi ziva kuti ipfambi.”

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Nyamayaro gwaro rerunyararo.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *