‘Kubatirira varwere muchipatara bodo’

Dr Musiiwa
Dr Musiiwa

Vakataura mashoko aya mudare reNational Assembly svondo rapera apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weWarren Park, Engineer Elias Mudzuri, avo vaida kuziva mutemo unoshandiswa kuvarwere vanenge vatadza kubhadhara mari yekurapwa muzvipatara.MUTEVEDZERI wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Aldrin Musiiwa, vanoti zvipatara zveHurumende hazvitenderwe kumbunyikidza varwere vanenge vasina mari yekubhadhara pavanenge varapwa kuburikidza nekuvarambidza kubuda muzvipatara.

Eng Mudzuri vanoti vamwe vevarwere ava, kunyanya vanhukadzi, vanopedzisira vorambidzwa kubuda muzvipatara kusvikira vabhadhara mari dzinodiwa.

“Izvi zviri kuitika kune zvimwe zvipatara. Ndinoda kuti nditi rimwe zuva ndakakuchairai nhare (Dr Musiiwa) nekuda kwenyaya yakadai uye yakazodzokororwa zvakare. Ndinonzwa kuti kana varwere vakanzi vapora kuchipatara, kana vasina mari havabvumidzwe kubuda kuti vanotsvaga mari iyi asi kuti vanochengetwa mumavharanda ezvipatara izvi.

“Mutemo weHurumende here? Kana usiri mutemo weHurumende pangave nemagwaro here anonyorwa kuendeswa kuzvipatara zvose pamwe neveruzhinji vachiziviswa kuti zvakadai izvi hazvibvumidzwe?” vanodaro Eng Mudzuri.

Dr Musiiwa vanoti hakuna mutemo unotendera zvipatara kumbunyikidza varwere vanenge vatadza kubhadhara mari mushure mekurapiwa. “Hakuna mutemo wakadaro. Ngatitiyi taongorora tikaona kuti munhu anofanira kubhadhara kurapwa kwaanenge aitwa, panotsvagwa nzira yekuti mari iyi inge ichibhadharwa zvinoreva kuti murwere anoburitswa muchipatara kuitira kuti anotsvaga mari iyi agobhadhara.

“Pane dzimwe nguva apo nyaya dzerudzi urwu dzinounzwa kwandiri, ndinotoona kuti ndataura nevakuru vechipatara chacho kuti zvinhu zvinge zvichigadzirisika.

Related Posts

Mutumbi wanhongwa mumugwagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemutumbi wemurume asina kuzivikanwa kuti ndiani uyo wakawanikwa mumugwagwa Elly kuKwekwe. Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands Inspector Emmanuel Mahoko vanoti…

Mutupo Festival younza mimhanzi nekuzivikanwa pamberi

Munyori weKwayedza MUTUPO unogona kuvhura hurukuro, kubuditsa ukama nekushandura mutorwa kuva hama. Mwedzi waGumiguru uno, pfungwa iyoyo yekuve vemhuri imwe chete inenge iri pakati pedandaro paMhemberero yeMutupo (Mutupo Festival), iyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×