Kurima muriwo, maruva kune pundutso

VARIMI ava vaishandisa michina yeMoneyMaker Irrigation Pumps kudiridza muriwo wavo nguva yadarika.
VARIMI ava vaishandisa michina yeMoneyMaker Irrigation Pumps kudiridza muriwo wavo nguva yadarika.

VARIMI vanokwanisa kuwana pundutso mubasa ravo nekurima mbesa dzakaita semuriwo, maruva nematomatisi zvisinei nezvimhingamipinyi zviripo zvinosanganisira kusanduka kwemamiriro ekunze kuburikidza nekushandisa madiridziro asingadhure uye vachikohwa pakuru.Madiridziro aya anove nyore kushandisa sezvo asingade mafuta akaita sepeturu kana dhiziri – asi simba rako chete – anogadzirwa nekambani yeMoneyMaker Irrigation Pumps. Kurimwa kwemiriwo yemhando yakasiyana yakadai semakabhichi, kovho, muboora, nyemba, makarotsi, matomatisi nehanyanisi kwakakosha zvikuru nekuti ndiko kudya kwezuva nezuva kwevanhu nekudaro kushandisa madiridziro eMoneyMaker kunoita kuti murimi akohwe pakuru kwegore rose.

ZVAKAKOSHERA KURIMA MURIWO:

◆ Minda inoshandiswa inenge iri midiki uye iri nyore kudiridzira kana uchishandisa MoneyMaker Irrigation Pump. Unokwanisa kudiridza hekita imwe chete mukati memaminitsi makumi matatu kana mana pasina kushandisa simba guru.

◆ Muchina uyu haudhuri nekuti haushandisi simba remagetsi, peturu kana dhiziri saka purofiti yemurimi inoramba iri pamusoro.

◆ Mwando unogara uri mubindu rako kwenguva ndefu nekuti madiridziro acho haarwadzi pane kutsiga mugoro. Chako kushandisa tsoka dzako mukupomba mvura ichienda kumunda ichifamba nemupombi.

◆ Muriwo wako kana michero haugari uine tsvina nekuti panguva iyo unenge uchidiridza tsvina netwumwe twumbuyu zvinenge zvichiurayiwa nemvura. Nokudaro unova murimi anodadisa ane zvirimwa zvinokwezva vatengi zvakachena.

◆ Murimi anogona kutengesa zvirimwa zvake kumisika yekunze kwenyika nekuti zvinenge zviri zvemhando yepamusoro zvichiunza mari yekunze munyika.

◆ Varimi vanokwanisa zvakare kuzopeka zvirimwa zvavo mumagaba zvichiwana misika mikuru.

◆ Apo Hurumende iri kurwisana nenyaya dzekushandiswa kwevana muminda, MoneyMaker Irrigation Pump iri kuuya semhinduro, hakuna mubereki achaendesa vana kuminda nekuti muchina uyu unozviitira basa iri wega pasina kushandiswa kwepwere.

◆ Kuburikidza nemadiridziro eMoneyMaker Irrigation Pump, maindasitiri anosimukira nyika ichiita maguta zvichifambirana nechirongwa cheHurumende cheZimAsset uye vechidiki vanowana mabasa emawoko.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvekurimwa kwemuriwo, VaClemence Bwenje, vanoti kurimwa kwawo kunobudirira bedzi kana varimi vachinge vaine nzira kwadzo dzemadiridziro dzisingavadhurire.

Related Posts

Mutumbi wanhongwa mumugwagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemutumbi wemurume asina kuzivikanwa kuti ndiani uyo wakawanikwa mumugwagwa Elly kuKwekwe. Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands Inspector Emmanuel Mahoko vanoti…

Mutupo Festival younza mimhanzi nekuzivikanwa pamberi

Munyori weKwayedza MUTUPO unogona kuvhura hurukuro, kubuditsa ukama nekushandura mutorwa kuva hama. Mwedzi waGumiguru uno, pfungwa iyoyo yekuve vemhuri imwe chete inenge iri pakati pedandaro paMhemberero yeMutupo (Mutupo Festival), iyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×