Kubika mabhanzi, chingwa

Mbuya Elizabeth Majeya vachiratidza mabikiro avanoita chingwa kana mabhanzi vachishandisa moto wendove yemombe.
Mbuya Elizabeth Majeya vachiratidza mabikiro avanoita chingwa kana mabhanzi vachishandisa moto wendove yemombe.

SVONDO rino tiri kukupakurirai ruzivo rwekubika mabhanzi kana chingwa nenzira yechivanhu, zvikuru vagari vekumaruwa uko kusina magetsi ekubikisa. Mbuya Elizabeth Majeya vekwaBhora, kwaChikwaka, kudunhu reMashonaland East avo vanobika chingwa nemabhanzi vanotsanangura:ZVINODIWA:

Iva nechoto chakavakwa nezvidhina nedhaka chine gomba mukati raunozovesera moto wendove yemombe.

Iva nematireyi ekubikira mabhanzi kana chingwa akachena.

Tora furawa yako woikanya uchisanganisa nembiriso, munyu neshuga zvakaringana zvichienderana nehuwandu hwechingwa kana mabhanzi aunoda kubika.

Siya furawa ichifutiswa nembiriso kwemaminitsi gumi.

Paradzira mafuta mutireyi woisa furawa yawakanya.

WOZODII?

Isa matireyi ane furawa muhovhoni inopisa zvakaringana. Pota uchitarisa kuti chingwa kana mabhanzi hazvisi kutsva.

Kana zvichinge zvaibva, unoona nekutsvukira. Chingwa nemabhanzi zvinonwiswa tsvukugadzike kana zvimwe zvinwiwa.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhare dzinoti +263 773 394 753

 

Related Posts

MaWarriors dhuma-dhuma neSierra Leone

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors chiri kupinda muhondo nhasi apo chiri kusangana necheSierra Leone mumutambo wekurwira kuenda kumakwikwi e2027 Africa Cup of Nations. Mutambo wemaWarriors neLeone Stars uri kutambirwa…

MaLady Chevrons obandana neWest Indies

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika checricket chemadzimai, chemaLady Chevrons, chiri kupinda muhondo kutanga svondo rino, apo chichatatsurana necheWest Indies mumitambo mitanhatu. MaLady Chevrons neWest Indies zvichasangana mumitambo inoti mitatu yeOne-Day International…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *