Kubika muswe wemombe

Nyama yemuswe wemombe kudya kweumambo
Nyama yemuswe wemombe kudya kweumambo

Kenneth Chikeya
Zvinodiwa kushandisa:
Poto kana pani
Mugoti, chipunu,
banga
Matomatisi,
hanyanisi,
makarotsi
Munyu, mafuta
Matomatisi akagaiwa zvipunu zviviri, Nyama yemuswe

Mabikiro:
Tora poto kana pani woisa pamoto, isa mafuta zvipunu zviviri uye kana apisa isa nyama yemuswe imomo.
Chikanga kusvikira yatsvukira mativi ose, tora mvura yakawanda woisa mupoto kana pani.
Isa pamoto wakawanda wochekera makarotsi, matomatisi nehanyanisi woisa. Rega zvikwate kwemaawa mashanu uchipamhidzira mvura kusvikira nyama yava kubuda pabonzo.
Isa munyu nematomatisi akagaiwa (tomato puree) woraidza kuti zvaringana here kana kuti muto wacho wakora here.
Raidza wobura usavi hwako.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×