Kubika pizza zviri nyore

PIZZA kudya kunodhura kutenga asi kana munhu ukagona kuzvibikira, iwe nemhuri yako munodya namambo pasina kushandisa mari yakawanda.

Svondo rino Fortunate Sungayi ari kuJohannesburg, kuSouth Africa anotsanangura mabikirwo epizza ari nyore.

Zvinodiwa:

Furawa, mbiriso, munyu, mafuta, shuga, cheese, tomato sauce nemvura

Mabikiro:

Sanganisa furawa nemunyu, mbiriso, mafuta uye shuga shomanana woisa mvura yakafanira wozokanya.

Kana zvanyatsosangana, kwidibira ndiro ine furawa kwemaminitsi makumi matatu kuti ifute.

Chitora furawa iya woimona yakaita nhete kugadzira hwaro hwepizza (pizza base).

Chiisa zvepamusoro zvakaita setomato sauce necheese wodzorera muhovheni kwemaminitsi mashanu.

Wozodii?

Kana zvadai chibura udye nemhuri. Pizza inofanira kudyiwa ichiri kudziya uye kune mhando dzakasiyana zvichienderana nezvido zvemunhu.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *