Kubviswa kwemutero we2% kworumbidzwa

Kingstone Mapupu
MAKAMBANI emisika inotengesa fodya munyika nevarimi vorumbidzwa zvikuru danho rakatorwa neHurumende rekubviswa mutero we2 percent kuvarimi vefodya izvo vanoti zvichabatsira kuti vakwanise kuwana mari yakawanda vogodzokera muminda zvakanaka mwaka unotevera.

Vemisika inotengesa fodya – vakabatana nesangano reTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) – vakaendesa chichemo kuHurumende chekuti mutero uyu ubviswe icho chinova chakatambirwa.

Mai Chido Nyakudya vanova managing director kukambani yeBoka Tobacco Auction Floors (BTF) vanoti kubviswa kwakaitwa mutero uyu kuchabatsira zvikuru kusimukira kwevarimi vefodya.

“Varimi vedu vanga vakachengeta fodya yavo kubva pakatanga mwaka wekutengeswa kwefodya uyu, izvo zvataridza musiyano mukuru svondo rino apo vave kutanga kuunza fodya yavo vakawanda. Zvinotaridza kuti nezororo rePasika iro tave kuzoda kusvika, varimi ava vachawanda zvikuru,” vanodaro.

Vanoti semakore ose, vakagadzirira zvakanyanya kubata varimi vavo zvakanaka vachitambira zvichemo zvavo nguva dzose.

“SeBoka, zvose zviripo zvinodiwa nevarimi pangava pekugezera nepekudyira nezvimwe. Tine vachengetedzi vakawanda zvikuru senzira yekuti varimi vedu vasavhiringidzwe nemakororo. Asi tinoti varimi vedu ngavauye vakaronga zvinhu zvavo vaine zvakakwana kuti fodya yavo igotengeswa nenguva,” vanodaro.

Managing director wekambani yePremier Tobacco Auction Floors (PTF), VaPhilemon Mangena, vanoti vakagadzirira mwaka wekutengeswa kwefodya zvizere.

“Nyaya huru tiri kungotenda Hurumende nekubvisa uko yakaita mutero we2 percent kuvarimi vedu vefodya izvo zvave kukwezva varimi kuti vaunze fodya kumisika. Nyaya huru yekuti varimi vari kubhadharwa nemari yemaUS$ pachikamu che50% iri kuti fadza isu semisika uyewo nevarimi vacho,” vanodaro.

VaGift Mandaza (51) – avo vanova murimi wefodya kuMhondoro – vanoti vakanga vamboendesa mabhero avo mashoma efodya vachida kuona mamiriro ezvinhu asi iye zvino vave kuzoendesa akawanda.

“Tinotenda Hurumende nekubvisa mutero we2 percent kwatiri varimi vefodya uyewo nekuti tichapihwa 50 percent yemari yedu ari maUS$ sezvo izvi zvinoita kuti tizokwanisa kudzokera muminda zvakanaka tichitenga zvatinoda kushandisa kuminda yedu,” vanodaro.

Zvakadai, TIMB inoti kusvika nemusi wa22 Kurume, fodya yaiva yatengeswa kumisika yose munyika inosvika 139 898 kgs inova shoma zvikuru kana ichienzaniswa neyakatengeswa panguva imwe chete mwaka wakapera iyo yaiva 1 223 105 kgs.

Mabhero efodya atengeswa kusvika parizvino anokwana 1 979 kana achienzaniswa ne16 558 akatengeswa panguva imwe chete gore rapera.

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×