‘Cyclone Joanina haisvike muZim’

Munyori weKwayedza
HURUMENDE iri kurambisisa mashoko ari kufambiswa neveruzhinji padandemutande – kusanganisira paWhatsApp – ayo anoti muZimbabwe muchaitika mamwe mafashamu emvura ine dutumupengo guru anodaidzwa kuti Cyclone Joanina.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weMuvhuro, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenhepfenyuro, Cde Monica Mutsvangwa, vanokurudzira veruzhinji kuti vatevedze nzira kwadzo dzekuwana mashoko kwete kuterera zvose zvose zvinobuda padandemutande (social media).

“Vanhu ngavaregedze kutyiswa nemashoko ekunyepa anoti kuchauya imwe cyclone inonzi Joanina mudunhu reSub-Sahara – kusanganisira muZimbabwe. Bazi rinoona nezvemamiriro ekunze, reMeteorogical Services Department (MSD), ndiro bedzi rine mvumo yekutaura chese chine chekuita nezvemamiriro ekunze.

“Zvisinei nekuti vanhu vachiri munguva yekutya zvichitevera kuuya kwakaita mafashamu emvura aive nedutu guru eCyclone Idai, tinongoramba tichikurudzira vanhu kuti vatore mashoko echokwadi kuitira kuti vasatyiswe nezvinhu zvemanyepo.

“Mashoko emasai-sai epaindaneti neWhatsApp mazhinji acho ndeemanyepo, saka anofanira kungwarirwa. Nokudaro mashoko ose ekuti kuri kuuya mafashamu anonzi Cyclone Joanina kubva kuIndian Ocean achizokanganisa Zimbabwe manyepo,” vanodaro.

Vanoti Cyclone Joanina iriko asi iri kuIndian Ocean kunova kure kwazvo neZimbabwe uye bazi reMSD richaramba richiongorora mafambiro emafashamu aya kuIndian Ocean nokudaro vanhu vachiziviswa mamiriro ezvinhu nguva nenguva.

Vanokurudzira zvakare masangano enhau kuti aburitse nhau dzerudzi urwu mushure mekuwaniswa mashoko azere nemapazi anoona nezvenyaya idzi kuitira kuti vanhu vawaniswe chokwadi.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *