Kudetemba nebembera

Munyaradzi  Gunduza
UCHISHANDISA nhetembo shanu kubva munhetembo dzaaokurova bembera nedzejikinyira kana mavingu, tsanangura zvaishungurudza VaShona mumagariro avo.  [25]

Kuroyerwa kurima – mudetembo Kurova bembera sepanonzi, “Ndava kufira kurima” nepanonzi, “Maoko aya kubata uku ndiko kwandava kufira,” uye panonzi, “Zvino kana zviri zvokurima rimaiwo.”

Ngozi — mudetembo rinonzi, Wofa nechaunoziva panonzi, “Chiona nhasi dzimba dzose misuo yapfigwa” nepanonzi, “Gona rawakachera rokupedzera mhuri igona risina chipundutso,” uye panonzi, “Mushonga wengozi kuripa.”

Makona anokuvadzisa — mudetembo, Kurumwa nechokuchera panonzi, “Chivi chinodya mwene wacho” nepanonzi, “Gona rawakachera nhasi rorwisewe,” uye panonzi, “Nhasi uzivi hwako hwakupandukira.”

Barika rinoparadza nokuunza vavengi – mudetembo, VaNyachide naVaRusemwa panonzi,

“Mumba munopindwa maVaNyachide,

MaVaRusemwa munomirwa negonhi,” nepamwe panonzi,

“Ndoita sechirikadzi isina murume, Iwe murume wangu uripo.”

Pamwe panonzi, “Chandakatadza chii pano pauri,

Chokupa kundisema serengenyn’na?” Upombwe hwemurume —mudetembo, Unopiwei chandisina? nepanonzi,

“Kwaunovata handikuzivi,

Nokwaunofumobva mukanganyama haundiudzi,” nepamwe panonzi,

“Chaunotsvaga mumamana chausina mumba chii,

Chinokunda muzipiro wechanguwo chandinobika?” Uye panonzi, “Igapui raunodya uchikwana kupinda nomusoro wese?”

Tinopedzisa mhinduro yemubvunzo uno svondo rinouya.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *