‘Kugeza muviri mazuva ose hakuna kunaka’

Mthokozisi Ncube

KUGEZA muviri mazuva ose kunonzi kunogona kukanganisa utano kuburikidza nekuomarara kweganda uye kuwedzera mukana wekubatwa zvakare nechirwere chegomarara reganda, dzinodaro dzimwe nyanzvi dzezveutano.

Nyanzvi dzinosanganisira dzekunze dzeUniversity of Nottingham dzekuchikamu cheEczema Bathing Study, Harvard Health neveCleveland Clinic vakaita ongororo ndokuona kuti kunyangwe zvazvo hutsanana hwemunhu hwakakosha, kugeza zvakanyanya kunogona kukanganisa kuchengetedzeka kweganda.

Nyanzvi dzemuZimbabwe dzinowirirana zvakare nemuono uyu.

Vanamazvikokota ava vanoti munhu anofanirwa kunge achigeza mazuva maviri kusvika mana pasvondo.

Zvisinei, vanoti vanhu vanoita mabasa kana vane raramo inoona vachipedzisira vadikitira zvakanyanya vanokwanisa kugeza mazuva ose.

Vanhu vakadai vanonzi vanokwanisa kugeza miviri yavo mazuva ose asi vasingazodariki maminitsi gumi kuitira kuti ganda ravo richengetedzeke.

Muhurukuro nemunyori uno, nyanzvi yezvekuchengetedzwa kweutano hweganda uye muvambi weRoyalty Skincare, Mercy Mabiza, anoti kugeza mazuva ose kunogona kukonzera ganda kuti ribve oyiri iri mariri iyo yakakosha.

“Ndinowirirana nazvo kuti kugeza mazuva ose hakukodzeri kumunhu wose.

“Ganda chinhu chinorarama uye rine zvinorichengetedza zvinoita kuti utano hwaro hutaridzike zvakanaka,” anodaro.

Kunyangwe zvazvo kudziya kwemamiriro ekunze emuZimbabwe kuchida kuti munhu ageze nguva nenguva nekuda kwekudikitira, Mabiza anoti chinangwa chikuru ndechekuenzanisa kuchengetedza hutsanana neutano hweganda.

“Nekufamba kwenguva, kugeza kwakanyanya kunokonzera kuomarara, kuswinywa, chirwere cheEczema kana kuchembera hweganda nekukasika.

“Kana oyiri iyi ikabviswa nekugeza nguva nenguva, ganda rinoomarara uye rinogona kukanganisika nyore pautano hwaro,” anodaro.

Mashoko ake anotsinhirwa nenyanzvi yezveutano, Dr Solwayo Ngwenya, vachiti: “Kunyangwe madzitateguru edu vakange vasingageze mazuva ose. Kugeza zvakanyanya kunobvisa dziviriro yeganda uye zvoita kuti muviri uve panjodzi yekubatwa negomarara reganda.”

Dr Ngwenya vanoenderera mberi vachiti: “Vanhukadzi vane mufungo wekuti vanofanirwa kugeza sikarudzi dzavo nguva nenguva. Izvi hazvina kukodzera. Masikirwo emunhu anozvigadzirisa oga, kushandisa mvura yoga ndizvo zvakanyanya kunaka.”

Godobori Mhabhinyana anotiwo kugeza kwemunhu kunoenderana nebasa raanoita.

“Kana munhu achiita basa rinoda kushandisa simba rakawanda, anofanirwa kugeza mazuva ose. Kana munhu achishanda panzvimbo inoita kuti asabude dikita zvakanyanya, hapanai chikonzero chekuti ageze mazuva ose,” anodaro.

Asi Platini Nyathi, uyo anoita basa rechikorokoza, anoti kugeza muviri mazuva ose kunounza munyama uye ichi ndicho chikonzero vakawanda vavo vachipedza mazuva akawanda vasina kugeza.

Related Posts

‘Vashandi veHurumende rongerai remangwana’

    Lovemore Kadzura   VASHANDI veHurumende vanokurudzirwa kuchengetedza mari yavo nekuishandisa zvine ungwaru kuitira kuti varambe vachirarama hupenyu hwakanaka mushure mekunge vasiya basa vave pamudyandigere. Mashoko aya akataurwa naMai…

EMA yoshandisa michina yemuchadenga mukurwisa moto wesango

    Muchaneta Chimuka SANGANO reEnvironmental Management Agency (EMA) riri kuvandudza mabasa aro ekurwisa moto wesango kuburikidza nekushandisa michina yechizvino-zvino yemakombiyuta kusanganisira yemuchadenga (Satelite Computer-Generated Risk Mapping). Izvi zvinoita kuti…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *