Kugocha nyama yehuku

NYAMA yehuku haingokaringwa bedzi mupoto asi apo neapo inogona kuitwa zvekugochwa kuitira kuti idyiwe isina mafuta akawanda.

Svondo rino VaNelson Mushuku vekuMasvingo vanotsanangura magocherwo enyama yehuku.

Zvinodiwa:
Nyama yehuku, munyu, masipaisi, mhiripiri, pekugochera nyama (braai stand resimbi) kana dara rekugadzira woga nemiti midiki.

Magochero:

Isa marasha paunoda kugochera. Ita kuti marasha apise kana kuti mavhunze asare akatsvuka.
Zora masipaisi nemunyu panyama yauri kugocha.
Isa padara rekugochera, siya yakadaro idonhe mafuta ose.
Kana yatsvukira, pindura kusvika yaibva.

bva kudai wakasununguka kudya nehama neshamwari muchipemberera zvenyu Goredzva. Unogonawo kurunga nemhiripiri yaunoda. Nyama yehuku yakagochwa inogona kudyiwa nesadza rezviyo, remhunga kana kuti yakadaro.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *