Kugovewa kwemidziyo muwanano yechivanhu

MUZIMBABWE, vanhu vakawanda vanoroorana maringe netsika dzechivanhu (customary law union) asi havazonyoresa wanano yavo zviri pamutemo.

Izvi ndizvo zvinozomutsa matambudziko nekuti mutemo hauvatarisi sevanhu vakaroorana zvizere. Vanogona bedzi kutariswa nemutemo panhau dzakadai sekuwaniswa migove yenhaka, kuve varidzi vevana, kodzero dzekuwaniswa vana kana kureva mendenenzi.

Zvisinei, panyaya dzekugoverwa kwemidziyo — zvikuru apo vanorambana — mutemo haunyanyi kutarisa ipapo vanenge vaine wanano yechivanhu isina kunyoreswa.

Nyaya dzakadai dzinoramba dzakamira nekuti panenge pachida kuonekwa kuti midziyo ingagoverwa sei panguva iyo vanhu vakanga vari muwanano uye zvinenge zvichida umboo mumatare edzimhosva.

Mashoko akanaka panhau yewanano yechivanhu ndeekuti matare edzimhosva anotarisawo kuti pave nekugoverana kwemidziyo kwakajeka kuvanhu vakaroorana nenzira yechivanhu.

Asi, vanhu vanenge vari munyaya dzerudzi urwu vanofanira kuburitsa umboo hunoratidza mamiriro ewanano yavo kuti midziyo igovewe zvakaenzana.

Kana vanhu vachipinda muwanano yechivanhu, zvinoreva kuti vanoda kutevedza zvirimo. Semuenzaniso, kana wanano iyoyo ichinge yaparara, munhu anenge ari kurambwa anopihwa gupuro seumboo.

Gupuro rinoitwa pachivanhu uye hazviitwe mumatare edzimhosva. Zvimwe chetezvo nenyaya dzekugoverwa kwemidziyo, dzinoitwa pachivanhu apo mudzimai anopihwa mugove wake unodaidzwa kunzi maoko.

Mhando yemidziyo iyi inenge ichipihwa kumukadzi seyekubikira inosanganisira mapanga, migoti, zvipunu nemapoto.

Kugoverwa kunoitwa midziyo uku pachivanhu kune kudzvanyirira kwakunoita madzimai nevanasikana uye vamwe vanotobuda mumba vasina chavakabata zvisinei nekuti vanenge vakabatsirana nemurume mukushandira midziyo iyoyo.

Pakadai, ndipo patinoona rutivi rwunenge rwarwadziswa rwave kutsvaga rubatsiro kumatare edzimhosva.

Kune nzira mbiri dzinotariswa nematare edzimhosva mukugoverwa kwemidziyo asi pachidiwa umboo. Kuti midziyo inge ichigoverwa zvakaenzana, munhu nemunhu anenge ari muwanano iyi anofanira kupa umboo hwekuti akabatsira mukutengwa kwemidziyo inenge iri kufanira kugoverwa.

Kubatsira mukuvapo kwemidziyo kunogona kuva mukushanda, kubatsira nemari kana ruzivo.

Matare edzimhosva anotarisa zvakare kukura kwerubatsiro. Semuenzaniso, mudzimai anogona kunge akatenga sitendi akaivaka apowo murume akabatsira mukuchengetedza sitendi iyoyo kana kubikira vanovaka. Asi hazvizoonekwi sezvakakodzera kuti awane mugove wemba kana asinawo kubatsira mukutengwa kwemudziyo kuburikidza nekubudisawo mari.

Kana midziyo ichinge yakatengwa iri mumazita evaviri vari muwanano, zvinoreva kuti vese vanofanira kuwana migove kubva pairi (tactic universal ownership).

Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva tibatei padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×