Ndinobuda zvinonhuwa muchibereko

MUBVUNZO:

Sekuru, ndakaita dambudziko rechibereko masvondo mana adarika — chaive chakaruma mugumbo chichibva chazopora. Chave kunetsa ndechekuti ipapo pacho pari kuita kunge pane ronda nechemukati uye ndiri kuburitsa tsvina inonhuwa muchibereko sekunge munhu awora. Ndakanotariswa kuchipatara vakati hapana chavakaona saka ini handichazive kuti chii, zvimwe mungandibatsirewo.

Mhinduro:

Kunewe muzukuru nevamwe vangave nematambudziko sewe, uku kutaura kuti pane zvisina kumira zvakanaka muchibereko chako.

Ukaona paine shanduko seyakadai, zvinoreva kuti muchibereko maparara.

Munhu ane matambudziko akadai anogona kubara vana vakaremara, kubva mimba kana kubara mwana akafa nekuti muchibereko munenge mapinda chirwere.

Matambudziko aya anokuparadza kusvika usisagone kana kugara zvichizokonzeresa zvirwere zvakaita segomarara, mafibroids nemapundu emuchibereko.

Unogona kuita izvi nekuda kwemweya yakaipa. Kana uchishandiswa nemweya wakaipa, zvose zvatiri kutaura pamusoro zvinotika.

Asika vazukuru, hatifanirwe kungoti zvese zvese kuroyiwa, zvimwe zvinoda kuenda kuchipatara kana kukiriniki nekukasika. Ukanoona chiremba kuchipatara anokuudza nekukuongorora kuti chii chaizvo chiri kuitika muchibereko chako.

Saka iwe muzukuru ndinoti dzokera kuchipatara unonyatsoongororwa nachiremba usati wazama kubatsirwa muchivanhu.

Bvunza Kwayedza pa: 0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0715 942 183

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×