Kukohwewa kwechibage chemadiridziro kwotanga

VARIMI vakawanda vemudunhu reMashonaland Central vakatotanga kukohwa chibage chakarimwa nemadiridziro pakutanga kwemwaka wezhizha wa2019/2020.

Zvisinei, Zimbabwe National Farmers’ Union chief executive officer VaEdward Dune vanoti panguva iyo vamwe varimi vari mushishi yekukohwa zvirimwa zvavo, mamiriro akaita nyaya dzechikafu kune mamwe matunhu enyika akadai seMatabeleland haana kunaka.

“Varimi vakawanda vakashandisa madiridziro kudyara chibage chavo pari zvino vave kukohwa.

“Goho racho riri kutaridza kuve rakanaka kuchikamu chekumusoro chenyika (Mashonaland Central) asi kumatunhu ari kuchamhembe mamiriro ezvinhu haana kunaka zvekusvika padanho rekuti varimi vanoda kutobatsirwa nechikafu.

“Kune avo vari kukohwa, kukwira kwemari yevashandi kuri kushungurudza zvikuru. Vamwe varimi vakatomanikidzwa kuti vabhadhare mari yakawanda kuitira kuti varambe vaine vashandi vavo,” vanodaro VaDune.

Hurumende nguva pfupi yadarika yakawedzera mari yemutengo wechibage kuenda pa$6 958 patani imwechete, kubva pa$1 400 uye mitengo yezvimwe zvirimwa zvinosanganisira zviyo nemhunga wakaenda pa$7 260, kubva pa$6 958.

Mitengo mitsva iyi ine chinagwa chekukurudzira varimi kuti vaendese zvirimwa zvavo kudura guru renyika reGrain Marketing Board (GMB), izvo zvinobatsira kuti munyika mune nechikafu.

Zimbabwe Commercial Farmers’ Union (ZCFU) president VaShadreck Makombe vanoti kunyangwe zvazvo varimi vakagamuchira mitengo mitsva yezvirimwa iyi, vaitarisira kuti kudai yakakwira kudarika yakatarwa.  – Sunday Mail

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *