Kukosha kwechiredzwa

Bvunza Kwayedza naSekuru Mutanga

NEKUDA kwekuwanda kwevazukuru vari kundibvunza pamusoro pechinonzi “chiredzwa” ndaona kuti zvinganaka kana tikataura nezvacho svondo rino.Ndinoda kuti mose vazukuru munyatsobata nyaya yechiredzwa nekuti ichi chinhu chakakosha zvikuru muupenyu hwedu vanhu vatema.

Chinonzi chiredzwa kutenda kwemunhu anenge akarerwa kana kukudzwa nemumwe munhu asiri amai kana baba vake. Uku kuedza kunyaradza angava marwadzo akasangana nemureri uyu pakukudza mwana asiri wake wekubereka.

Vamwe vana vanoguma varerwa nevasiri vabereki vavo nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira kuti anenge afirwa nevabereki kana kuti vabereki vanenge varambana mwana uyu asati akura zvekuzviriritira. Mwana kana arerwa naambuya, amaiguru, mainini kana nemurume azoroora amai panotoda chiredzwa.

Chiredzwa chinombviswa nani? Chinobviswa nababa kana hama yemwana wacho akachengetwa kana kuti iwe wacho wakarerwa.

Kana chiredzwa chikasabviswa matambudziko anosangana nemwana uyu haapere – hurombe, kusaroora kana kusaroorwa, kushaya mbereko kana kufirwa nevana, minyama sekushaye mabasa kana kupera kwebasa, kuva zungairwa nekuva nzenza.

Vamwe vanobvisa chiredzwa nemombe imwe chete, mbudzi kana mari. Asi kutenda nemombe kwakangonaka.

Saka zvakakosha vazukuru kuti kana marerwa nevasiri ana amai venyu muzobvisawo chiredzwa.

 

. Bvunza Kwayedza panhare dzinoti 0714 200 007 kana                 0775 421 949 kana 0715 942 183.

Related Posts

World Ozone Day rakacherechedzwa

Muchaneta Chimuka   ZIMBABWE yakabatana nenyika dzepasi rose mukupemberera zuva guru rekudzivirira kusvibiswa kwemhepo yemuchadenga reWorld Ozone Day rinova rinocherechedzwa nomusi wa16 Gunyana gore negore. Vachitaura pachiitiko ichi muHarare, gurukota…

Mutyairi wekombi akadhakwa akandwa mujeri kwemakore maviri

Ray Bande DARE reMutare Magistrates’ Court rakatongera murume ane makore 38 ekuberekwa kuti apedze makore maviri ari mujeri nemhosva yekutyaira kombi yakatakura vanhu akadhakwa, munyaya iyo yakaonekwa sekutyora zvakanyanya mitemo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *