Arsenal yorambira naBellerin

CHIKWATA cheArsenal svondo rino chakatanga hurukuro dzekupa mutambi wacho Hector Bellerin kondirakiti itsva kuti asabve achienda kuManchester City kana kuti kuBarcelona.Arsenal yakazvipira kupa mutambi uyu imwe kondirakiti yemakore matatu pamwe nekumuwedzera mari kuti asabve sezvo ari kutamba nhabvu inonwisa mvura kumaGunners.

Zvikwata zviviri izvi – Man City neBarcelona – zvakabuda pachena kuti mutambi weSpain uyu ndiye wazviri kuda kutenga mwaka unotevera.

Zvakaedza kumutenga panguva yaitengeswa vatambi mwaka uno uye zvichadzoka muna Ndira 2017, kunyangwe hazvo achizokwanisika kuwanikwa pachapera mwaka.

Bellerin akazvarirwa kuBarcelona akabva kuNou Camp achienda kuArsenal makore mashanu adarika, aine makore 16 okuberekwa.

Barca inoda mumwe mutambi anotambira kuright back zvichitevera kubva kwaDani Alves uyo akaenda kuJuventus uye murairidzi wechikwata ichi Luis Enrique anofunga kuti vanogona kumutenga.

City inogona kutora mutambi uyu sezvo ine zvombo zvainazvo zvainogona kushandisa kumukwezva. Aimbove mutambi weBarcelona, Pep Guardiola, aiyemurwa zvikuru naBellerin mukukura kwake asi kuvepo kwaMikel Arteta kunogona kubatsira zvakare kuenda kwake kuEtihad.

Chizvarwa chekuSpian, Arteta, akaona Bellerin achisimukira mumapoka akasiyana kuArsenal uye vaviri ava – avo vakatengwa mumwaka mumwe chete – vakaumba hukama hwakasimba Arteta asati abva kuEmirates achienda kunorairidza kuCity mwaka wadarika.

“Mikel nemudzimai wake vakandichengeta pandakauya,” akadaro Bellerin achitaura nguva yadarika. “Ndaive kamwana kadiki uye iye aive sababa kwandiri.

“Ange akandikoshera mukusimukira kwangu muchikwata cheArsenal.”

Bellerin ari muhurukuro yekondirakiti itsva kuArsenal kwemwedzi yakawanda asi haasati awedzera pane yemakore mana yaakasayina mugore ra2015. – Daily Mail Football

 

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×