ZVIRWERE zvemapapu zviri kuwanda munyika ino uye takatarisa kupera kwegore rino kune zvinotarisirwa kuve zvinhanho zvichazadziswa mumakore mashanu anotevera.
MuZimbabwe, zvirwere zvinotapukira zvechikosoro chetuberculosis (TB) zvinotorwa sechinhu chinokosha chisingafanirwi kuregerwa chichipararira pasina matanho ekuganhura angatorwe.
TB inorapwa pachena kumakiriniki, zvipatara zveHurumende zvose uye zvemakereke.
Kana munhu anga achirapwa kwachiremba wake akaonekwa kuti ane TB, chiremba ava vanomunyorera tsamba yekuendesa kukiriniki kana kuchipatara zvichienderana nekuti anogara kupi uye kuti murwere anoda kurapirwa kupi.
Mapiritsi anoshandiswa kurapa TB akawanda asi maviri anonyanyoshandiswa muno anoti Rifampicin neIsonizad.
Asi zvakadaro, kunoita vamwe varwere vanotadza kudaira mishonga iyi vamwe ndivo vanopedzisira vobaiwa majekiseni kuti TB ipere nekuti nemapiritsi ega haaiti sezvo inenge yagodza.
Zvakaonekwa kuti pavanhu vane TB muno chikamu chinoita 69 percent chine utachiona hweHIV zvakare.
Vanhu vazhinji vanopiwa mibhedha muzvipatara vanenge vachirwara neTB uyezve vaine utachiona hweHIV.
Vakawanda vavo vanonoka kuenda kukiriniki zvinoita kuti vave pamutepatepa.
Kuti munhu ave neTB neHIV pamwe chete zvinopa kuti murwere adzikire muviri uye kana ava kutangisa kunwa mishonga vanamukoti vanogona kuona kuti zvitori nani kutanga kurapa TB vozotevera kumudzidzisa muraramiro mutsva semunhu ane utachiona hweHIV. Murwere anozoiswa pachirongwa chemaARV kana vanamukoti vagutsikana kuti anzwisisa nekuti mapiritsi emaARV haaregwi ndeekunwa kwehupenyu hwose.
MaARV haarapi kana kupedza utachiona asi kuti anodzikisa ukasha hweutachiona kusvikira murwere asimba sakare zvekuti munhu akanwa maARV sezvakatarwa vanhu havangamboziva kuti anorwara.
Mumakore e1990, munhu ainge awanikwa aine TB airapwa uye vanamukoti vaitoenda kumba kunoona pagere murwere mhuri yose ichizoongororwawo kuti haina kutapurira TB here.
Mazuva ano nekuda kwezvinetswa, kuenda kwenyanzvi kunyika dziri mhiri kunotsvaga cheruviri kushanyirwa kumba kwave kushoma kana kutoti hakuchina asi murwere anokumbirwa kuuya nevaanogara navo kuti vaongororwe kuti havana kubatira chikosoro ichi here nekuti chinopararira mumhepo.
Sangano reWorld Health Organisation (WHO) mugore ra1992 rakati chikosoro cheTB chaive chirwere chinoiswa pamusoro, chichikosheshwa uye Zimbabwe yakaita saizvozvo.
Zvichifambirana nekuti vazhinji vaive vaine TB vaiwanikwa vaine utachiona hweHIV zvakare, Hurumende yakaona kuti iri rainge rave dambudziko ikaumba sangano reNational Aids Council (NAC) iro rakatanga basa mugore ra2000.
Mutungamiri wenyika neHurumende vari zvakare mukuru-mukuru wemauto, President Mugabe vakazoparura chirongwa chinokurudzira kurwiswa kweHIV/AIDS sedenda guru (National Emergency).
Izvi zvakabatsira nekuti homwe yeAIDS Levy, kuburikidza neNAC, yakatanga kupa dzidziso nedziviriro kuruzhinji kunyangwe zvazvo maARV takanga tisati tava nawo.
Chiremba mukuru anoona nezveHIV/AIDS kubazi rehutano nekuchengetedzwa kwakanaka kwevana, Dr Owen Mugurungi vanove national director weAIDS neTB, vanoti nyika haisi kuzorora kusunga
pangave pachibvinza mukupararira kweTB.
“Makore ekuma 90 taive navanambuya vaifamba mudzimba vachidzidzisa hutsanana uye vaitevera varwere vose kumba, kunyanya vaive neTB. Mhuri yaizotorwa yotariswa kuti yainge isina kubatira chikosoro here.
Nekuda kwezvinetswa, makore ano hatisi kukwanisa kuenda kudzimba asi mhuri yose inoongororwa pachena kuti haina kubatira chikosoro here,” vakadaro Dr Mugurungi.
Munyika ino vanhu vane chikamu che95 percent kusvika 97 percent vane TB vanoziva mamiriro avo panhau yeutachiona hweHIV.
Mune zvakabuda mutsavakiridzo nesangano reNational Aids Council mugore ra2014, chikamu che69percent chevanhu vairwara neTB vaivewo neutachiona hweHIV zvakare.
Takatarisana nekuda kukunda kupararira kweTB mumakore mashanu anotevera zvinoreva kuti munhu wose anofanira kuziva kuti akamira papi panhau yeutachiona hweHIV.
Feedback:[email protected]




