Sadunhu Makuvise vakashaya

DUNHU reBuhera rakasara riine kusuwa kukuru svondo rapera pamberi zvichitevera kushaika kwaSadunhu Makuvise, VaMathius Makuvise (40). Sadunhu Makuvise vanonzi vakafa vasina kurwara uye zvinofungidzirwa kuti rufu rwavo rwune chekuita nenyaya yanga iri mudare ravo yemumwe murume aiva avakira musha wake kumafuro ezvipfuyo izvo zvisingabvumidzwe.

Sadunhu ava vakashaikira pamba pavo mubhuku raMakuvise, kuChiurwi, uko kwavakavigirwa. Ishe Makumbe, VaSimon Marenga, avo vanovazve sekuru wemuchakabvu, vanoti vakavhundutswa zvikuru nekufa kwemuzukuru wavo pasina kurwara. “Akashaya uyu muzukuru wangu chaiye, mwana wehanzvadzi yangu. Nyaya iripo ndeyekuti Sadunhu Makuvise vainetsana nemumwe murume uyo akavakira musha wake kumafuro. Vakashevedza murume uyu mudare ravo kekutanga vakamutsiura apo vakazotuma mapurisa avo kunopaza dzimba dzake.

“Murume uyu haana kuterera asi kuti akanovaka zvakare apo sadunhu ava vakazoenda nemapurisa avo vakanomutsiura zvakare ndokubva mapurisa avo apwanya musha uyu iye aripo,” vakadaro. Vanoti murume uyu akazoshevedzwa kudare uko akatongwa nemhosva yekuzvidza nekusaterera sadunhu. “Murume uyu akazopihwa mutongo wekuripa mombe nehwai izvo akabvisa svondo rakapera pamberi,” vakadaro Ishe Makumbe. Vanoti Sadunhu Makuvise vakazoenda panzvimbo yemabhizimisi iri mudunhu ravo apo murume wavakange varipisa uyu anonzi akasvikawo pavaiva nevamwe ndokusvikovakwazisa. “Murume uyu akasvika kuna sadunhu ava ndokuvati, ‘Museyamwa maswera sei?’ Vakamhoresana asi ipapo vanoti vakabva vaoma ruwoko rwekurudyi rwavakamhoresa narwo murume uyu. Vakabva vaenda kukiriniki yeMakuvise uko vakanopihwa mapiritsi. Vakazorara vachibva vafa kunze kwave kuedza,” vakadaro Ishe Makumbe.

 

Related Posts

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×