Kumakuwerere svondo rino!

Tandayi Motsi
MUTAMBO wemukuru wemapurisa weCommissioner-General of Police’s Funfair uyo wakananga kupemha mari yekubatsira vanotambudzika senherera uri kuyamura zvikuru sezvo pari zvino vadzidzi vanodarika 600 vari kubhadharirwa mari dzechikoro. Mutauriri wemapurisa munyika, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vanoti mutambo uyu uri kubatsira zvakanyanya vana vanoshaya uye gore rino uchaitwa nemusi weMugovera uno (26 Gunyana).

“Mutambo uyu unoitwa gore negore nedonzvo rekutsvaga mari yekubatsira vanoshaya, zvikuru vana vanotambura.
“Pari zvino vadzidzi 600 vekupuraimari, sekondari pamwe nevanoita zvidzidzo zvepamusoro vari kubatsirwa nemari dzechikoro. Kune vamwe vakatopedza fundo yavo kuyunivhesiti avo vari kushanda kuzvikamu zvakasiyana zvemuindasitiri,” vanodaro.

Vanoti pazuva remutambo uyu, veruzhinji vachavaraidzwa nevaimbi vane mukurumbira vakaita saJah Prayzah, Alick Macheso, Peter Moyo, Pastor Charamba naMai Olivia Charamba, Tocky Vibes, Trevor Dongo, Nicholas Zacharia, Bob Nyabinde, Sniper Storm naFred ‘Kapfupi’ Manjalima.

Mapurisa achange achiratidzawo zvidavado zvinosanganisira kutasva mabhiza. Pachave nemibairo zvakare ichahwinhwa iyo inosangnisira motokari, zvitofu zvemagetsi nematerevhizheni.

Pakupinda mumutambo uyu, vanhu vakuru vachabhadhara $3 vadiki vachibvisa $1.
Pamusoro pezvo, pachange paine nzvimbo dzekutengesera zvakasiyana apo munhu akazvimirira anobhadhara $150 vemakambani vachibvisawo $500.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×