CHINANGWA chokuenda kuchechi ndechokutsvaga ruponeso rwomweya. Asika mweya unopawo chikafu kunyama. Saka kana wasvika pane vanonamata, handi shoko raMwari chete raunobva wakagukuchira. Vamwe vanonzwa nokuona twakasiyana-siyana zvinoita kuti zvavanzwa zvikudze mweya nenyama.
Musi weSvondo wapfuura ndizvo zvandakasangana nazvo zvandafunga kuti vaverengi vangawane zvakati kuti zvinogona kuti kana paine patasiya mupamhidzirewo.
Ndiri mukereke yeChristian Healing Ministries for all nations (CHM muchidimbu), mufundisi Anselm Mvenge vakati chinangwa chavo svondo iroro chaive chokudzidzisa kuti vana vaterere munaShe, uyewo nokukudza vabereki.
Vakati zvakakosha kunzvera shoko raMwari kuti vanhu vanzwisise.
Mumharidzo iyoyi ndipo pavakataurawo makuriro avo uyewo vamwe vanhu vane mukurumbira vakaita kuti varambe vakabatirira pachitendero chavo kusvika vaita mufundisi.
Vatendi vakaverengeswa tsamba yaApositora Pauro kuvaEfeso, chitasuko 6:1-3 inoti: “Vana, teererai vabereki venyu muna She, nokuti ndizvo zvakanaka. ‘Kudza baba namai vako,’ ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa, “kuti uitirwe zvakanaka uye kuti ugare upenyu hurefu panyika.”
Mufundisi Mvenge vakati kana zvichinzi “vana” zviri kureva munhu wese.
Pane vazhinji vakange vakarasika pane zvinorehwa nemavhesi maviri – rokutanga nerechipiri. Vamwe takange tichifunga kuti vhesi yechipiri yakaiswa nokuti dzokororo ine simba.
Asi kwete, vhesi yokutanga yakanangana navatendi nomufudzi anofudza mweya yavo. Ndiye mubereki wavo muna She. Ndiye ane basa rokurera mutendi muna Jesu Kristu.
Mufundisi Mvenge vakati, samufundisi, handivo baba muna She vari kutaurwa, asi kuti Jesu Kristu ndivo Ishe ari kutaurwa. Vazhinji havazivi baba vavo muna She. Kana vawirwa nedambudziko vanomhanya-mhaya kwese kwese; votendererawo kwese kwese vachitsvagawo pese pese, nemhaka yokusaziva.
Pavakataura nenyaya yokuti vana vakudze vabereki vavo, vakabva vatsanangura kuti Mambo Patrick Zvimba vakabatsirawo kuti vanzwisise kukosha kwokukudza vabereki vakakubereka (vhesi 2), zvinove zvinhu zvisiri kuitwa navamwe vanhu, vanozvipa utsvene pamusoro pavabereki mushure mokunge vatendeukira kuchiKristu.
Vakati Mambo Zvimba vaive munhu anotya Mwari zvikuru zvokuti manheru ega ega na9 o’clock vasati vaenda kunorara, kwaitanga kwaimbwa rumbo rwechechi: “Vese vana vadiki tainzi chiitai munamato unoti: ‘Kuna Ishe wangu. Kudza baba vako namai vako ugoti misi yako iwande panyika yawakapihwa naJehovha Mwari wako. Ameni!’”
Munyori weKwayedza akabvunza Mufundisi Mvenge kuti zvese izvi zvakaitika riini uyewo namamwe mabasa akabatwa naMambo Zvimba muchitendero. Hezvinoi zvishoma zvavakataura:
“Kwave nenguva yakati rebei zvokuti zvimwe zvacho handichanyatsorangarira nokuti ndakange ndiri mwana mudikiwo, uyewo ndave namakore makumi matatu kana kupfuura ndisati ndashanyira nzvimbo iyi. Ndaienda kwaZvimba kuzororo rechikoro ndiine makore mapfumbamwe kuma1966,” vakadaro Mufundisi Mvenge.
“Asi ndinorangarira kuti vakange vatove maKristu, uyewo kufunga kwangu ndekwokuti vanenge vakatendeukira kuchiKristu vachiri vechidiki.
“Ndinoyeukawo kuti vakavakisa chechi yeTopia kana kuti Ethiopian Methodist munzvimbo yokwaGuzha kwaZvimba kwakare. Ndinofunga kuti ichechi yakatangwa muno muAfrica. Kana pakaitwa tsvakurudzo chokwadi chizere chinobuda.
“Vafundisi vavo vazhinji vaive zvizvarwa zvokuSouth Africa – maZulu, nemaXhosa, uyewo dzimbo dzavo dzaiimbwa muchiNdebele,” vakadaro Mufundisi Mvenge.
Vakatiwo Mambo Zvimba vakashaya vave namakore 76 kusanganisira vadzimai vavo vakashaya vave namakore 99 vanove vanhu vakakudza vanasikana vavo nenzira yechiKristu: “Vaive vanhu vane rudo zvikuru.”
Vakuru vakati kudzidza hakuperi. Unopinda muchechi kunonzwa vhangeri, asi wobuda wave nezakwatira rezvinhu zvinoda kuitwa tsvakurudzo. Munyori aingofunga kuti kune Methodist mbiri chete (United Methodist Church neMethodist Church in Zimbabwe – Hwisiri). Iyi inonzi Topia taiti mheno mazita anongonyuka, tisingazivi kuti zita rizere rinonzi Ethiopian Methodist.




