‘KuMash Central tasunga 2 400’

Kingstone Mapupu
VANHU vanosvika 2 403 vanonzi vakasungwa kudunhu reMashonaland Central nemhosva dzekutyora mitemo ine chekuita nekuti veruzhinji vagare kudzimba senzira yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 kubva nemusi wa30 Kurume kusvika pari zvino.

Mutauriri wemapurisa kudunhu iri, Inspector Milton Mundembe, vanoti mhosva idzi dzinosanganisira kungomberereka zvisina chinangwa nekusapfeka mamasiki.

“Kubva pakatanga lockdown kuMashonaland Central takasunga vanhu vanokwana 2 403. Mhosva dzacho dzinosanganisira kungofamba zvisina tsarukano vanhu vasina matsamba anodiwa, vamwe vari kuwanikwa vasina mamasiki nezvimwewo zvakawanda,” vanodaro Insp                                          Mundembe.

Dzimwe mhosva dzakabatirwa vanhu dzinosanganisira kutengesa doro zviri kunze kwemutemo, vemashabhini nekutengesa doro risingabvumidzwe serekachasu.

“Takavharisa mabhawa nemabottle store aitengesa doro zviri kunze kwemutemo anokwana 61 nemashabhini 118. Taiwana zvidhakwa zvichinwa doro munzvimbo idzi asi mabhawa haasi kubvumidzwa kuvhurwa.”

Insp Mundembe vanoenderera mberi vachiti, “Kusvika pari zvino tasunga motokari dzinokwana 116 nevaridzi vadzo nekuda kwekufambiswa kwadzo dzisina matsamba akakwana. Tichitarisa kukwira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kubatwa vaine Covid-19, hatisi kuzodzora tsvimbo uye ticharamba tichisunga vanhu vanotyora mitemo yakadzikwa kusvika zvanaka. Denda iri rinouraya saka tinofanirwa kutevedza zvose zviri kutaurwa nenyanzvi dzezveutano neHurumende.”

Vanoti mapurisa eko ari kufamba achiparidza mashoko echenjedzo kuruzhinji nekuda kwechirwere ichi uye kusvika pari zvino vasangana nevanhu vanodarika 285 000.

“Taita makambeni anokwana 117 apo tiri kufamba mudzimba uye tichienda mumataundishipi tichipa chenjedzo pamusoro pechirwere ichi,” vanodaro.

Insp Mundembe vanoshora vanhu vari kutiza kunzvimbo dzavanenge vakachengetedzwa mushure mekunge vabva kunze kwenyika nechinangwa chekuti vaongororwe kuti havana hutachiona hwecoronavirus hunokonzera Covid-19 here.

“Ngatitevedzei zvinodiwa zvose, kugeza maoko nesipo nemvura inochururuka, tozora masanitiser, torega kuungana, tichipfeka mamasiki zvekare tosiyana nenyaya yechitsokotsoko,” vanodaro Insp Mundembe.

Related Posts

MaWarriors dhuma-dhuma neSierra Leone

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors chiri kupinda muhondo nhasi apo chiri kusangana necheSierra Leone mumutambo wekurwira kuenda kumakwikwi e2027 Africa Cup of Nations. Mutambo wemaWarriors neLeone Stars uri kutambirwa…

MaLady Chevrons obandana neWest Indies

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika checricket chemadzimai, chemaLady Chevrons, chiri kupinda muhondo kutanga svondo rino, apo chichatatsurana necheWest Indies mumitambo mitanhatu. MaLady Chevrons neWest Indies zvichasangana mumitambo inoti mitatu yeOne-Day International…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *