N’anga, maporofita vopfeka mamasiki

Kingstone Mapupu
SANGANO rinomirira n’anga nemaporofita, reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA), rinoti rakadzika mutemo wekuti varapi varo vose vanofanirwa kunge vakapfeka mamasiki pose pavanoshandira veruzhinji uyewo mumatare nepamasowe munofanirwa kunge muchishandiswa mishonga inouraya hutachiona.

Sekuru Friday Chisanyu, avo vanove mukuru wesangano iri, vanoti zvakakosha kuti machiremba echivanhu — n’anga nemaporofita — vabatsire muhondo yekurwisa kupararira kweCovid-19.

“Basa redu nderekubatsira vanhu vane matambudziko nezvirwere, saka wava mutemo kunhengo dzedu dzose kusanganisira nevarwere vatinoshandira kuti vange vakapfeka mamasiki nemagirovhosi. Pamisuwo yekupinda mumatare edu panoiswa mvura inogezwa maoko ichichururuka nesipo.

“Zvekare, tinokurudzira kuti vanhu ava vazorewo maoko nemishonga yemasanitiser, uye kuita izvi hakuna zvakunokanganisa pachivanhu,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

Vanoti mukati medare n’anga zvose nevanoda kushandirwa vanoramba vakapfeka mamasiki nemagirovhosi uyewo vakataramuka mita imwe chete pakati pavo.

“Kazhinji mumatare edu munopinda vanhu vaviri panguva imwe chete, kana iri mhuri hatidi kuti vadarike vashanu uye vanogara vakataramuka mita imwe chete pakati pavo. Varwere vanenge vasina mamasiki nemagirovhosi tinovapa ayo vanobva vazoenda nawo sezvo tichibatsirwa kuwana midziyo iyi nemakambani nemasanganao,” vanodaro.

Sekuru Chisanyu vanoenderera mberi vachiti, “Tine machiremba echivanhu, maporofita nananyamukuta vanokwana 450 vatiri kupa magirovhosi nemamasiki kunzvimbo dzavanoshandira. Varwere vedu tinovadzidzisa kuti kana vapedza kushandisa magirovhosi nemamasiki vanoarasira mumabhini kwete kuakanda pose-pose.

“Aye anowachika voageza nekuti tine dzimwe hama dzatinobatsira dziri kutipawo mamwe mamasiki ekusona nemachira ayo anoshanda kakawanda.”

Sekuru Chisanyu vanoti n’anga nemaporofita vari pasi pesangano ravo vari kuita zvidzidzo kuburikidza nedandemutande uyewo nekuvatsiura munyaya yekuti kune vamwe vanoshambadza mashoko ekuti vava nemushonga unorapa Covid-19.

“Imhosva kune vose vanofamba vachizviti vane mishonga inorapa Covid-19. Tikangokunzwa tinoenda newe kumapurisa,” vanodaro.

Sekuru Chisanyu vanoti sangano ravo rakazvipira kushanda pamwe chete neHurumende mukurwisa kupararira kweCovid-19.

Related Posts

MaWarriors dhuma-dhuma neSierra Leone

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors chiri kupinda muhondo nhasi apo chiri kusangana necheSierra Leone mumutambo wekurwira kuenda kumakwikwi e2027 Africa Cup of Nations. Mutambo wemaWarriors neLeone Stars uri kutambirwa…

MaLady Chevrons obandana neWest Indies

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika checricket chemadzimai, chemaLady Chevrons, chiri kupinda muhondo kutanga svondo rino, apo chichatatsurana necheWest Indies mumitambo mitanhatu. MaLady Chevrons neWest Indies zvichasangana mumitambo inoti mitatu yeOne-Day International…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *