‘Kumiganhu kune nyaya’

Munyori weKwayedza
DZIMWE nzvimbo idzo dzinopoya nevanhu kumiganhu yenyika vachipinda nekubuda muZimbabwe dzinogona kupa mikana yakawanda yekupararira kwechirwere cheCovid-19 pamwechete nekudzosera shure zvirongwa zveHururumende zvekuvheneka nekupatsanura vanhu vanenge vachibva kune dzimwe nyika.

Mutemo weHurumende unoti vanhu vose vari kubva kune dzimwe nyika vanofanirwa kuvhenekwa chirwere cheCovid-19 uye vombopatsanurwa kubva kune veruzhinji vachigara kwavo voga kwemazuva 21.

Vanenge vaonekwa vane utachiona hunokonzera Covid-19 hwecoronavirus vanobva vaiswawo kwavo pachirondwa vanhu vose vavanenge vakambosangana navo kuitira kuti vaongororwewo denda iri.

Dr Stanley Tapesana — avo vanova nyanzvi inoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere mudunhu reMashonaland Central — vanoti zvakakosha kuti munhu wose anobva kune imwe nyika avhenekwe kuitira kuderedza kupararira kweCovid-19.

Vakataura mashoko aya pazuva rekupangana mazano pakati pevarapi vemudunhu iri nenyanzvi dzakauya dzeChinese Anti-Covid-19 idzo dziri munyika muno.

Dr Tapesana vanoti mudunhu reMashonaland Central, nzvimbo dzinonyanya kupinda nevanhu zvisiri pamutemo dzinosanganisira Mbire, Mt Darwin neRushinga.

“Nzvimbo idzi dzakavharwa kunyangwe dziine zvekushandisa mukuvheneka nekupatsanura vanhu senzira yekurwisa chirwere cheCovid-19,” vanodaro.

Dr Li Chunchui — avo vanova Specialist Associate Professor — vanotenda mabasa makukutu ari kuitwa mudunhu iri mukurwisa chirwere cheCovid-19.

“Tiri kuona mabasa makuru ari kuitwa mukurwisa chirwere cheCovid-19 uye tinozvitenda. Zvisinei, tinokurudzira kuti muzvipatara munge muchigara murwere mumwe nemuwe ari oga nekuti vanhu vanofungirwa kuti vane chirwere cheCovid-19 hazvigoni kuti vagariswe vakawanda pamwe chete,” vanodaro.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *