‘Zifa inonzwisisa basa guru reHurumende’

Robson Sharuko

ZIFA inoti inonzwisisa kuti Hurumende ine zvimwe zvinhu zvikuru zvairi kuita, izvo zvinoda kuitwa nechimbi-chimbi nekuda kwechirwere cheCovid-19, nekudaro haingainamikidze kuti iipe mari yekubatsira kuti mutambo wenhabvu urambe uchiendeka.

Sangano iri rinoti harikwanisi kumanikidza Hurumende kuti iripe mari nekuda kwekuti hurumende yeBotswana yakapa mari yekutsigira nhabvu kunyika iyi.

Vatambi vane chitsama vemuZimbabwe nevarairidzi vacho vari kuzvikwata zvepamusoro zvekuBotswana uye mutambi mumwe nemumwe achange achiwana US$206, kubva pahomwe yakaiswa padivi nehurumende yenyika iyi yekutsigira nhabvu.

Mutambi mumwe nemumwe anotambira muligi reBotswana First Division achawana US$124,18 pasi pehomwe iyi.

Homwe iyi ndeyekubatsira nemari yemuhoro yevatambi kubva munaKubvumbi kusvika munaChikumi. Gurukota rezvemitambo kuBotswana VaTumiso Rakgare  nemusi weMuvhuro uno vakatsinhira kuti hurumende yavo ine hurongwa hwekubatsira zvikwata zvenhabvu zvepamusoro nemari yemuhoro yevatambi.

“Mari iyi ichaiswa mumaakaundi ebhengi evatambi senzira yekudzivirira nyaya yekuti zvimwe zvikwata zvinogona kupedzisira zvave kuishandisa mumabasa azvo ezuva nezuva,” vanodaro VaRakgare.

Vanoti vanamuzvinhapembe vachabatsirwa kuburikidza nehomwe yesangano rinoona nezvenhabvu pasi rose yeFifa relief fund sechiwirirano chakaitwa neBotswana Football Association.

Nhengo yebhodhi reZifa Philemon Machana anoti zvakakosha kutambira mamiriro akaita zvinhu parizvino sezvo zvichisiyana nyika nenyika.

“Tinonamata kuti rimwe zuva tichasvikawo ipapo, asi parizvino Hurumende yedu iri pakamanikana sezvo iine zvimwe zvikuru zvairi kuita. Tinovimba kuti mamiriro ezvinhu achaita zviri nani nekufamba kwenguva uye nhabvu yozove nerutsigiro rwakawanda,” anodaro.

Zvakadai, kuBotswana zvikwata zviri muligi yepamusoro zvichawana US$3 311 pachimwe nechimwe.

Chikwata chenhabvu chenyika iyi chinozivikanwa nekuti Zebras, chiri muboka rimwechete nemaWarriors eZimbabwe mumakwikwi ekurwira kuenda kuAfcon 2021, chine chibodzwa chimwe chete kubva mumitambo miviri uye chiri pachinzvimbo chechitatu.

MaWarriors ari pachinzvimbo chechipiri muboka iri kubva mumitambo yakawanda uye ari mumashure meAlgeria iyo ine zvibodzwa zvitanhatu.

Zambia ndiyo yakasenga boka iri iyo isina kana chibodzwa kubva mumitambo miviri.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×