Kuparwa kwemhosva bodo: Shambare

MUKURU wemapurisa anoona nezvekurwiswa kwekuparwa kwemhosva, Deputy Commissioner-General Josephine Shambare, vanoti vari kushushikana zvikuru nehuwandu hwemhosva dziri kuparwa dzakaita sevanoba vakapakata zvombo nekubhinywa kwevanhukadzi.

Vachitaura kumapurisa aiita zvidzidzo zvekurwisa kuparwa kwemhosva kuMorris Depot, muHarare svondo rapera, Deputy Com-Gen Shambare vakati semapurisa, vakazvipira mukuita basa ravo nesimba mukuona kuti nhubu dzose dzasungwa uye kuti dzarangwa.

“Zvinosuwisa kuti dzimwe mhosva dzekupondana dzinobva mukunetsana apo vanhu vanenge vachinwa doro nekurwisana mudzimba. Dzimwe mhosva ndedze makororo ari kuba kumagaraji anotengesa mafuta edzimotokari,” vakadaro.

Vakarumbidza veruzhinji nekushanda kwavari kuita nemapurisa mukurwisa kuparwa kwemhosva.

“Takamboshanya kunzvimbo dzinosanganisira Zaka neMurehwa makore akadarika taona mhosva dzekubatwa kwevana chibharo dzanyanya tichivadzidzisa uye kuparwa kwemhosva idzi kwakabva kwadzikira,” vakadaro.

Vanoti dzimwe dzemhosva dziri kuparwa dzine chekuita nehuwori hwekuba mari.

“Chinhu chikuru semapurisa tinovimbisa kuti tiripo pakuchengetedza runyararo munyika kuti tizadzikise donzvo reZim-Asset zvichifambirana nedingindira regore ra2015 remapurisa rinoti, ‘ZRP nekuvandudza hwaro nemagariro akanaka anoita kuti upfumi hwenyika husimukire”.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *