BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari riri kushanda nesangano reZimbabwe International Book Fair (ZIBF) mukunyorwa kwemabhuku pachishandiswa mitauro yose 16 yemunyika muno iyo inocherechedzwa mubumbiro remutemo wenyika.
Vachitaura pakuparurwa kwemamwe emabhuku akanyorwa mumitauro iyi nguva yadarika kuZimbabwe International Book Fair, muHarare, gurukota rebazi iri Dr Lazarus Dokora vakati zvakakosha kusimudzira kunyorwa kwemabhuku nemitauro yemuno.
“Kunyorwa kwemabhuku kunofanirwa kutanga nevemazera echidiki zvakare chive chirongwa chakazvimirira,” vakadaro Dr Dokora.
“Zvakakosha kuti tikwanise kunyora mabhuku edu anotsanangura mamiriro enyika nekwayakabva kuitira vemazera madiki. Mabhuku aya anofanirwa kunyorwa nemitauro inoverengwa nemunhu wose munyika.
“Ngativei netsika yekuverenga nekunyora mabhuku nekuti tikadaro zvinosimudzira dzidzo yemunyika zvichizoita kuti tirambe tiri pachidanho chepamusoro pakuva nevanhu vanogona kuverenga nekunyora muAfrica yose.”
Vakakurudzira veruzhinji kuti vatsigire vanyori vemuno kuburikidza nekuverenga mabhuku avo.
“Ngatikoshesei vanyori vemuno nekuvasimudzira kubudikidza nekutenga pamwe nekuverenga mabhuku avo uyewo ngaawanikwe mudzimba dzokuverengera,” vakadaro Dr Dokora.
Pachiitiko ichi paive nevanyori, vanodhinda mabhuku muno nevekunze kwenyika uye vadzidzi vakawanawo mukana wekuita hurukuro nevamwe vanyori vane mukurumbira.
Zvimwe zvakakurukurwa pamusoro pazvo kutengeswa kwemabhuku pamusika wemukoto, kudhindwa kwemabhuku zvisiri pamutemo uye matanho angatorwe kupedza matambudziko aya.
Mitauro inocherechedzwa mubumbiro remutemo weZimbabwe ndeinoti Shona, Ndebele, English, Chewa, Chibarwe, Kalanga, Koisan neNambya.
Mimwe yacho iNdau, Shangani, sign language, Sotho, Tonga, Tswana, Venda neXhosa.




