Munyaradzi Gunduza —
MAPINDURIRWO anoitwa mibvunzo yenhetembo:
Tara mazwi makuru ari mumubvunzo kuti usarasike zviri kudiwa mumhinduro.
Kokorodza zvose zvinopindirana nemubvunzo, chimwe nechimwe chiwane tsigiro yakakwana sezvinodiwa nemubvunzo.
Nyora nhanganyaya ine pfungwa dzose dzauchanyora nezvadzo mumhinduro yako. Izvi zvinoratidza kuti wanzwisisa mubvunzo nezvaunoda zvacho.
Pfungwa imwe neimwe ngaive muchindima chayo uye mutsara wekutanga wega-wega wendima imwe neimwe ngauve uine chidimbu chakakosha chemubvunzo [key words] kuti usarasika zvinodiwa mumhinduro yako.
Tsigiro ngadzidyidzane nepfungwa dzauri kupa mumhinduro yako.
Kana uchitaridza fanano kana siyano yenhetembo dzine dingindira rimwe chete, usatsoropodza nyanduri kuti haana kushandisa, semuenzaniso, tsumo, madimikira, nyaudzosingwi — penengura chete zviri mudetembo racho wakanangana nezvakashandiswa nanyanduri.
Detembo rinogona kuva nepfungwa mbiri kana kupfuura dzakakosha, iwe sarudza huru yacho yakanangwa nanyanduri.
Ipa zita ranyanduri uye musoro wedetembo sezvazviri chaizvo mubhuku racho – ukapa zvemusoro wako hapana chibodzwa chaunowana.
Pakuongorora zvidavado zvakashandiswa nanyanduri ipa chidavado chacho kwete kungoti nyanduri akashandisa tsumo. Iti mudetembo makashandiswa tsumo yokuti chara chimwe hachitswanyi inda. Wadai, chipa chinangwa chezvakashandisirwa tsumo yacho kana chimwewo chidavado.
Misoro ine zvimiso ngainyorwe saizvozvo, sekuti, Mazipanga! [Cornath Macheka]; Zvinondivhundutsa! [Sharon Ngomani]; Ini chaiye? [Brighton Muponda], zvichingodaro.
Tsigira pfungwa dzako dzese dzauri kupa semhinduro nezviri mudetembo kana kutaura zvimwe chetezvo uchishandisa mazwi ako asi uchitsanangura zviri mudetembo.
Mibvunzo nemhinduro:
1. Nhetembo zviitiko zvinobata upenyu hwamazuva ose. Tsigira pfungwa iyi uchishandisa nhetembo shanu dzine madingindira akasiyana uye dzakanyorwa navananyanduri vakasiyana-siyana. [25]
Nhetembo zviitiko zvinobata upenyu hwavanhu mazuva ose izvo zvinotsigirwa nenhetembo dzinoti “Kumba Kwedu”, “Ndoda Mukoho Wangu”, “Nyakakutumbura”, “Nhaurwa Muchizarira”, “Pfumvu”, “VaMari naFesibhuku”.




