— Vana vakapihwa mibairo, miti nemikoko yenyuchi
Daphne Machiri —
MUTEVEDZERI wegurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Professor Paul Mavima, vanoti zvakakosha kuti makambani abatsirane neHurumende mukusimudzira dzidzo munyika.
Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika pachikoro cheMapfungautsi Primary School chiri kuGokwe South pakupihwa mibairo kuvana mumakwikwi eGokwe South Merit Awards.
Pachiitiko ichi, kambani yeW2 Industries yekuHarare yakapa bhezari re$1 000 patemu yoga-yoga kuna Collin Mpofu uyo akabuda nemapoinzi 20 pabvunzo dzeA-Level dzegore rapera kuti anoita zvidzidzo zvake paUniversity of Zimbabwe.
Kambani iyi yakabatsira zvakare chikoro cheCheziya Secondary School nezvekushandisa mulaboratory muzvidzidzo zveScience zvinosanganisira nhumbi dzinoti 40 lab-coats nenguwani 40.
“Ndinoda kutenda makambani ari kubatana nesu mukuvandudza dzidzo, kunyanya takatarisana nezvidzidzo zveSTEM,” vanodaro Prof Mavima.
Pagungano rimwe chete iri, gurukota rezvenharaunda, mvura nemamiriro ekunze – Cde Oppah Muchinguri-Kashiri – vakapa zvikoro zvemudunhu iri miti yekusima pamwe chete nemikoko yekuitisa mabhindauko ekuchengeta nyuchi.
“Mikoko yenyuchi iyi inzira yekusimudzira zvidzidzo zvemawoko muzvikoro takanangana nechirongwa cheZim-Asset, uye kusimwa kwemiti kunochengetedza ivhu nekutipawo mweya wakanaka wekufema, ” vanodaro Cde Muchinguri-Kashiri.
Vanoenderera mberi: “Chimwe chatinokoshesa kuti vana vadzidze munharaunda yakachena, naizvozvo tinoda kudzidzisa vechidiki kuti vasatema miti kana kurasa marara pose-pose.”
Vachitaurawo pachiitiko ichi, business development manager wekambani yeW2 Industries VaTrynos Dongo, vanoti donzvo ravo ndere kuvandudza chirongwa cheSTEM. “Donzvo redu ndere kuvandudza STEM kuburikidza nekuvaka maPure Science Laboratories pamwe nekubatsira nenhumbi dzinoshandiswa nevana. Dzidzo inhaka inokosha uyezve vana ava ndivo vatungamiri vemangwana, nekudaro tinoda kuti muno muve nemachiremba, mainjiniya nevanogadzira kana ndege chaidzo,” vanodaro.




