Kupira midzimu

Munyaradzi Gunduza
TSANANGURA zvidavado zvinowanikwa munhetembo dzemhiramidzimu. [25]

Cherechedzo: Mudzidzi ngaaburitse zvidavado zvinowanikwa munhetembo idzi, uye kuratidza basa razvo munhetembo dzacho. Mudzidzi ngaasashandise nhetembo imwe/mbiri kudzumbunura zvidavado kuratidza kuti akaverenga. Munhanganyaya munofanira kutsanangurwa chinonzi mhiramidzimu.

Zvikuwo sepanonzi, “E! Tateguru Dzivaguru,” mudetembo Doro romukwerera kusimbisa kupira midzimu yavo kuti mvura inaye.

Mutauro wekudimikira sepanonzi, “Denga raramba kudzora mwoyo” mudetembo iri zvakare kujekesa kuti vadzimu havasi kunayisa mvura nokudaro vanhu vave kutambura. Vadzimu basa ravo nderokunayisa mvura.

Zitadunhurirwa sepanonzi, “Jengetamacheche muzinda waNyan’ombe” mudetembo rinonzi, Kuteketera kwavadzimba kuratidza kuti madzitateguru ndiwo anochengeta vavhimi mukuvhima kwavo mumasango. Uye pamwezve panonzi, “Nhakuramatenga ndimi” mudetembo rinonzi, Kuteketera matateguru kujekesa kuti vadzimu ndivo varidzi vemuchadenga.

Mibvunzonhando sepanonzi, “Mati tingazivepiko vasekuru?” kubva mudetembo Kuteketera matateguru kujekesa kurwadziwa nekuoma kwaita pasi nokuda kwekusanaya kwemvura.

Fananidzo sepanonzi, “Nhamo yatungamira mberi semudonzvo” kubva mudetembo Kuteketera matateguru kujekesa kuti vanhu vamomoterwa nematambudziko nokuda kwekusanaya kwemvura.

Tinopedzisa mhinduro yemubvunzo uyu svondo rinouya.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *