Seed Co: Dura regoho, ruzivo

Godwill Macherera
KWAKAVA nemufaro mukuru mumusha wekwaButete, kuSanyati Ward 10, kudunhu reMashonaland West, uko kwaiva negungano reSeed Co rekudzidzisa varimi nezvembeu dzechibage, mapfunde nemuriwo idzo dzinouchikwa nekambani iyi.

Varimi vakafarira zvikuru tsanangudzo yakavapo pamaitiro oita mbeu itsva dzakaita seSC 529 neSC 649 pamamiriro okunze akashata. Mbeu idzi dzakapa goho rakashamisa varimi zvokuti vakaratidza kunonokerwa nemwaka kuti vatenge vagonodzidyarawo kuminda yavo.

SC Sila, anova mapfunde akapa varimi shungu sezvo akabuda zvakanaka uye murimi akapupura oga kuti haana kuita dambudziko neshiri.

Nyaya yembeu nekurimwa kwemiriwo yakazarura pfungwa dzevarimi maererano nekuvandudza kupinda kwemari muhomwe dzzavo kubva gore richitanga kusvika richinopenderwa. Izvi zvakaita kuti nyaya yekuti kurima ibhizimusi isangova rwiyo asi kuti zvive zvinobatika mukuita.

KUTI SEED CO NDIKO KUTI SADZA NEMURIWO!!! Zvedi.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *