‘Kupotsa ndafira EcoCash’

Lizzy Mushoriwa
MUMWE mukadzi anoti murume wake anogara achimushungurudza nekuda kwemari yake inenge iri muEcoCash uye akatomboda kumudzika demo mushure mekunge ashandisa mari iyi zvisina mvumo yake.

Victoria Dongorembudzi akamhan’arira Tapiwa Dinner kudare reHarare Civil Court achimupomera mhosva yekumushaisa rugare.

“Mambo wangu, uyu murume wangu asi pari zvino hatisi kugara tose. Ndakatiza kumba nekuda kwemhirizhonga yake saka iye zvino ndiri kuvabereki vangu,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Anondirova nekundituka uye akamboda kunditema nedemo mushure mekunge ndatora mari yake ndichida kunotora gwaro rekuzvarwa kwemwana. Zvakare ane tsika yekunyepa kuvanhu achitaura zvakaipa pamusoro pangu.”

Achipawo divi rake, Dinner anoti haasi kushungurudza mukadzi wake.

“Uyu handizive kana achiri mukadzi wangu nekuti akatiza kumba, handimushungurudze asi kuti ane tsika yekutora mari yangu muEcoCash. Pane imwe nguva ndakamubvunza ndashaya $50 asi haana kundipindura ndakazoenda kuEconet ndakawana ari iye ainge atora mari ndikangomubvunza kwete kumurova.

“Ane tsika yekusarara pamba kana iri weekend, hameno kuti anenge aendepi. Ini handizvitsvage nekuti ndingatofa nechirwere cheBP,” anodaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Dongorembudzi gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *