Kurai orumbidza Macheso

Trust Khosa

KURAI MAKORE orumbidza nyanzvi yemusambo wesungura, Alick Macheso, achimuti munhu akapfuma neruzivo neuchenjeri.

Anotizve ruzivo rwaMacheso runofanira kushandiswa zvizere nevaimbi vechidiki.

Mutungamiri wechikwata cheBlack Lions Band, uyo achangodzoka kubva parwendo rwake rwechipiri kuUnited Kingdom, kwaakaimba pashoo imwe chete naMacheso, anoti akadzoka ave nemafungiro ane udzamu mushure mekudzidza kubva kune mumwe wevaimbi vepamusorosoro munyika muno.

“Ndakanga ndisingazivi kuti vanhu vakanaka vakaita saBaba Sharo vachiripo. Uchenjeri hwavo pamusoro peupenyu, unyanzvi hwemimhanzi nemhuri hauna mumwe wavangaenzaniswe naye,” anodaro Makore achitaura neZimpapers Arts and Entertainment Hub.

“Ndisati ndaenda kuUK, ndakanga ndakaneta mupfungwa nokuda kwezvaiitika pasocial media, asi mushure mekusangana naye ikoko, ndakadzoka kumba ndiine mufaro mukuru uye ndakasimba mupfungwa.

“Handigoni kutaura zvose zvandakaudzwa naye zvizere, asi uchenjeri hwake hwakandipa humwe uchenjeri hunodarika hwandaiva nahwo kare.

“Kwandiri, Baba Sharo vakatumirwa naMwari nokuti vakandipa mazano akasimba okuti ndirambe ndichishanda nesimba kuti ndizove munhu wandagara ndichida kuva.”

Makore anorumbidza Macheso nekutenda muunyanzvi hwake uye nekumupa mazano anokosha panguva yavaive kuUK.

“Kwandiri, nyanzvi yemimhanzi Macheso akaita sababa uye agara achiona kugona kwangu kubva pakutanga chaipo.

“Kukurudzirwa nemunhu akaita saiye chinhu chikuru chinodarika budiriro nokuti anogara achindisundidzira kuti ndishande nesimba.

“Haasi munhu ane unhu hwekuzvininipisa chete, asi pamusoro pezvo mukuru akachenjera, anogona kusandura upenyu hwako kana ukateerera mazano ake nemashoko ake ane uchenjeri.”

Makore anoti vari kurongawo kushanda pamwe chete mune ramangwana kuburikidza nekuita mashoo.

Chikwata cheBlack Lions chiri kugadzirira kuburitsa dambarefu racho rechina mumwedzi waGumiguru.

“Tatopedza chikamu chekurekodha uye chishuvo changu ndechokuti ndive nezvinhu zvitsva pandichange ndichitenderera nyika yeZimbabwe ndichiimba naAlick Macheso munguva pfupi iri kutevera.

“Ndinofunga kuti ndakaimba naye ndichimutsigira kanokwana kashanu, uye musi wa11 wemwedzi uno (Gunyana), ndichamutsigira zvakare kuMasvingo.

“Kudyidzana uku kwakaita kuti zviitike nokuda kweukama hwebasa hwandinahwo naye.”

Makore, uyo achangobva kupinda munyaya dzaipisa padandemutande dzine chokuita nababamukuru vake, Thomas “Mukanya” Mapfumo, anoti akatsunga kuenderera mberi neupenyu, uye akaisa pfungwa dzake panhau yekusimudzira basa rake remimhanzi.

“Hatigoni kuramba tichingotaura nezvakaitika kare, kunyangwe zvazvo vanhu vachida kuziva zvakaitika uye kuti ndiri kuzvigadzirisa sei.

“Tiri kuenderera mberi, uye pari zvino tiri mustudio, tichibika dambarefu redu rechina.

“Ndiri kuita basa rangu uye ndave kupedza nguva yakawanda ndiri kumaruwa, kwandiri kuita zvekurima miriwo nekupfuya mbudzi.

“Ndiri zvakare sabhuku uye ndinoda kuderedza kushandisa social media.”

Makore akatanga kuzivikanwa munyaya dzemimhanzi zvichitevera dambarefu rake rokutanga “Gara Unzwe” muna 2020.

Akazobura rimwe, “Ngoma Kurira”, muna 2022, iro rakataridza kusimukira kwake pamwe nekumuvhurira mikana ine chitsama muindasitiri yezvemimhanzi.

Gore rapera, akaburitsa dambarefu rake rechitatu, “Dzimwe Nguva”. Rechina riri kutarisirwa kubuda muna Gumiguru.

Kunyangwe zvazvo paine nyaya dzinokonzera gakava dzakapoteredza basa rake, Makore anoita seakatsunga kurega mimhanzi yake ichitaura pachinzvimbo chake, uku achiwana simba kubva kumidzi yake yekumaruwa uye kuvanhu vagara vachimutsigira parwendo rwake.

Nemimhanzi mitsva iri kuburwa uye ukama huri kukura naMacheso, mutungamiri weBlack Lions uyu anoita seakatarisa kumberi — uye ane chivimbo chokuti kuramba akazvininipisa kucharamba kuri chikamu chakakosha chekubudirira kwake.

Related Posts

‘Vashandi veHurumende rongerai remangwana’

    Lovemore Kadzura   VASHANDI veHurumende vanokurudzirwa kuchengetedza mari yavo nekuishandisa zvine ungwaru kuitira kuti varambe vachirarama hupenyu hwakanaka mushure mekunge vasiya basa vave pamudyandigere. Mashoko aya akataurwa naMai…

EMA yoshandisa michina yemuchadenga mukurwisa moto wesango

    Muchaneta Chimuka SANGANO reEnvironmental Management Agency (EMA) riri kuvandudza mabasa aro ekurwisa moto wesango kuburikidza nekushandisa michina yechizvino-zvino yemakombiyuta kusanganisira yemuchadenga (Satelite Computer-Generated Risk Mapping). Izvi zvinoita kuti…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *