Kurambana: Ndingarambe here?

Zinzile Mlambo
SANGANO reZimbabwe Women Lawyers Association (Zwla) riri kubatsira madzimai akawanda kuburikidza nekuvawanisa ruyamuro rwemagweta epachena.

Zwla iripo kukusha mashoko echenjedzo ichibvisa zvimwe zvinhu zvemanyepo zvinenge zvichitaurwa nevanhu maringe newanano.

Zvimwe zvezvinotaurwa nevanhu maringe newanano zvinosanganisira kuti wanano inoparadzwa kuburikidza nekutenderana. Vanhu vane fungiro yekuti kana munhu achida kuramba mumwe wake, ane mafomu aanofanira kuendesa kunanyakurambwa kuti ange achisaina uye kuti kana munhu iyeye achinge aramba kusaina inenge iri mhosva anova manyepo makuru nekutadza kuziva mutemo.

Chinyorwa chino chiripo pakupa mashoko maringe nemafambisirwo anoitwa nyaya dzekurambana.

Kurambana kusina chibvumirano:

Kune mhando mbiri dzekurambana dzinosanganisira apo nyakurambwa anopokana nazvo kana kuti asingapokani nazvo. Kana pasina kupokana zvinoreva kuti murume nemukadzi vose vakagadzirira kurambana uye vanobvumirana kuti ndiyani achange achigara nevana uye uyo anenge asiri kugara nevana panova nekutenderana kuti angabvisa marii yemendenenzi yekuchengeta vana uye kugoverana kwavangaite midziyo pakati pavo.

Kurambana uku kunoitwa nenzira yemasamanisi anoendeswa nemumhan’ari kudare kunova kunopirwa nyaya idzi.  Kana nyakumhan’arirwa achinge asiri kupokana nazvo, anosaina magwaro ekubvuma uye magwaro aya anenge akanyorwa negweta remumhan’ari. Magwaro aya anozoendeswa kumutongi anova anozopa mvumo yekuti wanano iyi inge ichiparara.

Izvi hazvitoreri dare nguva kana vaviri vari kurambana vachinge vachibvumirana muna zvose.

Zvii zvinoitika kana vaviri vasiri kubvumirana kana kuti mumwe achida kuti wanano inge ichiparara asi mumwe asingade?.

Zvinoreva here kuti vanhu vanogona kuramba vari muwanano iyi? Kwete.

Kupokana nekurambwa:

Kana vanhu vari kuda kurambana asi paine mumwe asiri kubvumirana nazvo, mumhan’arirwi paanotambira magwaro kubva kumumhan’ari anofanira kupindura kuti ari kubvimurana here maringe nemitemo yekurambana. Vanozonyora magwaro anoendeswa kumatare edzimhosva vachipira nhunha dzavo.

Somuenzaniso, Simbarashe naChipo vakaroorana kwemakore gumi kusvikira Chipo azonyorera magwaro ekuti wanano yake inge ichipera achipa zvikonzero zvezvinhu zvisingachagadzisiriki. Chipo anoda kugara nevana vake vaviri paimba yavo iri kuMabelreign.

Chipo anoti Simbarashe anofanira kubhadhara mari yemendenenzi $100 pamwedzi pamwana mumwe nemumwe. Simbarashe anotambira masamanisi omaverenga zvakasimba. Anoregedza kupokana nazvo kuti wanano yavo yakaparara zvachose uye haapokani nekuti Chipo ange achipihwa vana kuti agare navo.

Asi anopokana nekuti imba iri kugara Chipo haisi yake nokudaro inofanirwa kutengeswa mari yacho yogoverwa pakati pavo. Haakwanisi kubhadhara $100 pamwana pamwedzi asi kuti $60.

Simbarashe anotsvaga rubatsiro rwegweta rinozopindura Chipo pazvinhu zvaari kureva. Vaviri vanogara pasi negweta riye kuti vaonesane kuti zvinhu zvingagadziriswa sei.

Vaviri vanokundikana kuwirirana izvo zvinoita kuti nyaya inge ichifambiswa nematare edzimhosva. Mutongi anopa mutongo wekuti midziyo iyi ingagoverwa sei uye nekuti Simbarashe angabhadhara marii semendenenzi.

Mhedziso:

Zvakakosha kuziva zvinotevera kana uchida kugura wanano:

1. Hakuna munhu anomanikidzirwa kuti ange achienderera mberi newanano inenge isisiri kufamba zvakanaka uye yaasingachade.

2. Hakuna munhu anomanikidzirwa kuti ange achibvuma kuramba kana kurambwa nenzira isingafambirani nemutemo wekurambana.

3. Hakuna munhu anomanikidzirwa kuti arambe ari muwanano

4. Hakuna munhu anomanikidzirwa kuti abvume kuramba kana kurambwa nenzira yaanenge asiri kubvumirana nayo.

5. Kana vaviri vasiri kupindirana, dare rinogona kutora matanho ekuti rione kuti zvingafambiswa sei maringe nekuti vange vachiparadzana.

6. Zvakakosha kuti varume nevakadzi vange vachinzwisisa kuti wanano inofanira kunge iine vanhu vaviri vari kuwirirana.

* Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×