Kurapwa kuri kutidhurira

GOMARARA ihosha inotambudza murwere pamwe nevapepi zvakanyanya kupinda zvimwe zvirwere sezvo denda iri richitora nguva refu munhu achiyaura naro.

Kwayedza yakashanyira chimwe chezvipatara zvinorapa chirwere chegomarara, cheParirenyatwa Group of Hospitals, ikanosangana nevarwere vakasiyana avo vanotsanangudza matambudziko avainawo.

Mbuya Estere Kufandada (62), avo vanobva kwaShe Mazungunye, kuBikita, vanoti vane gomarara remuchibereko.

“Ndafara zvikuru kunzwa kuti muri pano, kuti mukurukure nesu. Hii-i, inga Mwari vane nyasha. Pamwe mukanyorawo nematambudziko edu tingawanawo rubatsiro,” vakatanga nekudaro vachitadziswa kunyatsofara nekurwadziwa.

Vakazotura befu ndokutanga kupa nhoroondo yehurwere hwavo vachiti: “Ndave nemakore 15 azere ndichitambudzwa negomarara. Ndakatanga kurapwa gore rapera mumwedzi waZvita. Ndinoona sekuti ndakanonoka kuenda kuchipatara kunovhenekwa nekuti handaiziva kuti kubuda ropa kwandaiita kunhengo yakavandika ini ndaguma ura raive gomarara.”

Vanoti chaivanonotsa kuenda kuchipatara yaive nyaya yekushaya mari sezvo vari chirikadzi inongopona nekurima.

“Izvozvi kuuya kuno tichibva kumusha takatosiya tatengesa mombe, saka zvipfuyo zvapera ndichitsvaga kurarama. Pandakaona ndave kungoramba ndichibuda ropa nezvimwe zvinhu zvainhuwa ndipo pandakaenda kunovhenekwa ndikanzi ndine gomarara remuchibereko. Ndakazonzi ndiuye ndirapirwe kuno kuHarare kune chipatara chinoona nezvegomarara.

“Damudziko riripo ndere kunonokerwa kurapwa uye kuwanda kwemari dzekupiswa, kuvhenekwa nemishonga.”

Mbuya Kufandada vanoti kana vachirapwa muHarare, vanenge vachigara kuhama.

“Ndange ndichida kuti chibereko changu chibviswe asi chiremba vandivheneka vakati hazvichaita nekuda kwekuti pane tsinga iri nechepagumbo inogona kukanganisika. Saka vakati ndichangoitwa zvekupiswa (chemotherapy).

“Iko zvino tabhadhariswa $150 yescan, X-ray $25 uye pese patinouya tichidhindisa kadhi panodiwa $15. Hatisati taziviswa kuti kupiswa kwacho kunoda marii. Mumhuri medu ndini munhu wekutanga kubatwa chirwere ichi,” vanodaro.

Mumwe mudzimai, uyo zvakare akabatwa gomarara remuchibereko, Mai Getrude Masvanhure (41) vekuKadoma, vanoti pakutanga vakafunga kuti vanorwadziwa nejeko.

“Ini ndakatanga ndichirwadziwa zvikuru, kunge munhu ane jeko kana kuti ari kuda kusununguka. Saka ndatouyawo nhasi kuzotanga kurapwa kuno nekuti ndaimborapirwa kuGomo (Harare Central Hospital) ndichingopihwa mishonga yekunyaradza marwadzo, ndisati ndaziva kuti chii,” vanodaro.

Vanoti paongororo yavakaitwa vakabvisiswa $70 yekutorwa ropa uye kana vachinge vave kuitwa oparesheni vanofanira kuwedzerwa ropa rinova riri kudhura samare.

“Ndisati ndavhiiwa vakati panodiwa mapaindi matatu eropa uye paindi rimwe chete riri kuita $150 kureva kuti tinofanira kubvisa $450. Kana ndichibva kuKadoma ndichirapirwa kuno ndinenge ndichigara kuhama nekudaro chikafu nemari yekufambisa inenge ichidiwawo,” vanodaro.

VaLenos Marongwe (59) vekuGlen Norah, muguta reHarare, vanoti vane bundu riri patsinga yepahuro riri kuramba richikura iro rinofungirwa kuti igomarara.

“Ndakatanga kurwadziwa nepahuro mumwedzi waGumiguru gore rapera saka ndaimborapirwa kuHarare Central Hospital vachibva vambondiunza kuno ndikapihwa mubhedha. Ndiri kuita dambudziko rekukundikana kumedza, kufema kana kutaura izwi rangu harichanzwikwa zvakanaka. Zvakare ndinozarirwa.

“Pachipatara pano vari kuda kumboita ongororo kuti vaone kuti igomarara here kana kuti kwete, nekuti bundu racho riri kuramba richikura,” vanodaro.

VaMarongwe, avo vanoshandira imwe kambani inoita zvemapepa muHarare, vanoti nekuda kwehurwere uhwu, vatove nemwedzi mitatu vasingaende kubasa.

“Ndakapedzisira kuenda kubasa nomusi wa29 Ndira gore rino kusvika nhasi uno ndichiri kungofambira kurapwa. Tinongochema kuti kudai zvipatara zvinoona nezvezvirwere zvegomarara zvawanda kuitira kuti varwere vasawandise pachipatara chimwe chete nekuti unotovawo mutoro kuvarapi vakafundira basa iri avo vanoratidza kuti vashoma,” vanodaro.

 

 

 

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×