Vobhadharira vana chikoro nemaricho

VAMWE vabereki vekuShamva, kudunhu reMashonaland Central, avo vari kukundikana kubhadharira vana vavo mari dzechikoro, vave kupota vachiita maricho pazvikoro izvi senzira yekuti zvienderane nemari dzinenge dzichidiwa.

Kwayedza svondo rapera yakashanyira dunhu iri ndokuita hurukuro nevamwe vabereki vari papurazi reNumber 35 Anadale Farm.

VaAustin Spoon (39) vanoti vanoita maricho pachikoro cheLow Density Village Primary School (LDV) semubhadharo wemari yechikoro nekuda kwekuti havana kwavanoiwana.

“Muno munzvimbo yeAnadale Farm upenyu hwakaoma zvekuti tinosvika pakushaya kana dhora muhomwe. Hatikwanise kutengera vana vedu mayunifomu echikoro zvekuti anotoenda akapfeka hembe dzekumba nekuda kwekushaya. Kana basa hakuna kwandinoriwana,” vanodaro VaSpoon.

“Chikoro cheLow Density Village Primary School ndicho chiri pedyo nenharaunda yatinogara saka tinonobhemba mahuswa nekuchenesa nzvimbo yechikoro. Kana tapedza tinomakwa kuti tatobhadhara mari yechikoro yemwana. Asi vamwe vabereki nekushaya hanya nevana vavo, havaende kumarikicho izvo zvinoita kuti vana vadzingwe uye vamwe votorega kuenda kuchikoro zvachose,” vanodaro.

Pasi pemutemo, vakuru vezvikoro havatenderwe kudzinga mwana anenge asina kubhadharirwa mari yechikoro asi kuti vanokwanisa kutorera mubereki matanho akaita sekumuendesa kumatare edzimhosva nenyaya yechikwereti.

Mai Florence Mafuku (41) vanoti vana vakawanda vemunzvimbo yavo yeAnadale Farm vari kugumira chikoro panzira nekuda kwekushaya mari yechikoro.

“Ino inzvimbo yekuvongwa, kunocherwa goridhe murwizi rwaPote zvekuti mwana akangoshairwa mari yechikoro anoenda kunoita zvechikorokoza. Vanasikana chaivo vari kumitiswa nekumbunyikidzwa neavo vanouya vachikorokoza.

“Imwe nyaya, tinoda chikoro chakati tsvikiti nekuti chikoro ichi pari zvino hachina mabhuku akakwana ekunyorera nekuverenga. Zvakare, nezvigaro zvishoma apo vamwe vanodzidzira panze muimba yehuswa vakagara pasi zvinova zvine matambudziko kukanaya kana kukapisa,” vanodaro.

Vanoti zvisinei nekuvepo kwechirongwa cheFarm Orphan Support Trust Zimbabwe (FOST ) icho chinobhadharira vana vanoshaya mari, vamwe vabereki havasi kushandisa mukana uyu.

“Vamwe vabereki havana hanya nevana vavo chero akati haadi kuenda kuchikoro kana kumbotevera kunoona kuti vana vavo vari kuitei.

“Vamwe zvakare havasi kunoita marikicho aya asi kuti mwana akaramba chikoro vanotoona iyi senzira yekurerutsirwa kubhadhara mari,” vanodaro.

Kwayedza yakaita hurukuro naEsther Marikana (15) wemunzvimbo iyi uyo anoti akagumira Grade 6 nekuda kwekushairwa mari yechikoro.

“Ndakagumira chikoro panzira nekuda kwekushairwa mari asi ndine shungu dzekuenderera mberi nedzidzo. Ndakatosvika pakudzimwa zita rangu mumabhuku ekuchikoro,” anodaro Esther. Mumwe mudzidzisi wepachikoro ichi anotsinhira kuti kubadharwa kwemari yechikoro nevabereki idambudziko guru.

“Vabereki havana mari, havabhadhare uye zvakaoma,” anodaro.

Provincial Education Director weMashonaland Central, VaLloyd Mudiwa, vanoti havana ruzivo pamusoro penyaya yevabereki vanonzi vari kuita marikicho kuzvikoro senzira yekubhadhara mari dzechikoro.

“Chikoro ichi ndechevanhu vakazvimiririra nekudaro vabereki venharaunda ndivo vanobhadhara vadzidzi vepo. Isu hatina kana mudzidzisi mumwe chete zvake anobva kubazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari ari pachikoro ichi,” vanodaro VaMudiwa.

Vanoti vanotsigira kuvakwa kwezvikoro zvakazvimirira asi zvinofanira kunyoreswa zviri pamutemo kubazi redzidzo yepuraimari nesekondari.

“Naizvozvo vabereki ava vane pfungwa dzinovaka dzidzo tinovada zvakare tinova netarisiro yekuvandudzwa kwezvikoro izvi. Munzvimbo yeBindura zvirimo zvikoro zvakazvimirira izvo tinotarisira kuti zvisimukire,” vanodaro VaMudiwa.

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×