CHAKAURAYA mhuka mune imwe ngano yandakaitirwa nambuya vangu kwaive kusabvunza. Mhuka dzakanga dzichiudzwa kuti Shumba afa, pindai mubako muchibata maoko. Asi mhuka dzaipindamo dzaisazobuda. Mhembwe imwe chete ndiyo yakazobvunza kuti sei matsimba emhuka ari kungopinda mubako, asi pasina matsimba anoratidzakubuda. Izvi ndizvo zvakazopedza dambudziko rekudyiwa kwemhuka naShumba. MuKwayedza svondo rapera makabuda mhuri iri kurwisana nekuti baba vakati dzinza rese, kusanganisira vanasikana nemadzitete, vaguse vhudzi rese zvaro riri pamuviri kuti rinoitiswa mhiko kun’anga.
Kuita chamunyurududu mudziva rine ngwena, hunge wanzi ndiko kuti uite mukuwasha wamambo. Asi upenyu hwedu hausi hwekatsi inonzi ine upenyu hunomwe. Muupenyu, kana pasina chiri kunetsa, usatsvage zvinonetsa nekuti zvinonetsa zvinozokunetsa.
Kana pachiita sepane zvinonetsa, zvipe nguva zvinogona kupfuura. Nekuti zvinonetsa hazvishaikwe muupenyu, asi ukada kuti zvese zvanetsa zvigadziriswe nemishonga yen’anga neminamato neminana yevakomana, uchanwiswa mvura nerurimi sembwa ukapedzisira wave kuhukura sembwa.
Kana pane zvinokunetsa semunhu, kana wafunga kuenda kunotsvaga rubatsiro, usapinze vamwe vakazvigarira kudzimba dzavo muchimbuzi mawapinda kuti uzvibatsire. Izvi ndizvo zvaita kuti ndatange nekuti kusabvunza kunouraya.
Kubvunza hakuna kumboipa, kunyanya kubvunza mibvunzo yaunoona kuti inogona kuunza chiedza pane rima. Nekuti kana tikanyarara pane zvimwe zvinhu, mumwe munhu angave mubereki chaiye, achatadza kutinyara sezvakaita baba vekuti dzinza rese rigere nekuvapa vhudzi RESE rinowanikwa pamunhu kuti vaendese kun’anga.
Muupenyu mune miganhu, mune chinyarikani nehunhu.
Kana tikanzi gerai vhudzi rese rinowanikwa pamuviri, hatikwanise here kubvunza chikonzero chemashura akadai? Mwari vakapa munhu pfungwa dzekuti afunge, asi kana isu vari kuitirwa mashura aya tisingabvunze, tinofa takanyarara semombe isingataure. Zvimwe zvinhu ngazvikukahadze, urege kusekerera benzi rinonwa muto vamwe vachida kuseva.
Nyangwe baba vakati vhudzi riri kudiwa nen’anga kuti igadzirise matambudziko, matambudziko rudzii anogadziriswa nevhudzi kubva kune remumusoro, muhapwa kusvika kwakaperera nyika? Zvinozoshamisa here kana baba vorwa zvekugara mwanasikana matunduru nekumubvarurira mbatya dzemukati?
Chivanhu chedu hachibvumire kufumuka kwakadaro, uye Mwari vanoti kuna Revhitiko, “Ngakurege kuva nemunhu anofugura mwanasikana wake . . .”
Chikonzero vanoti kana ukadaro wafanana nemunhu arara nemwanasikana wake. Saka kugusisa vanasikana nehanzvadzi dzavo vhudzi rekwakaperera nyika, baba ava vakasvika kunonyangadza uye vakadarikidza muganhu.
Zvii chaizvo zvavakanga vanzi nen’anga zvichazofaya kana vadaro? Ndizvo zvakafanana nemimwe minamato yave kuitwa nevanhu mazuva ano – minamato yehupombwe yekubvisisa vanasikana nevakadzi mbatya. Hunhu hwakadaro imwe mhando yeponogirafu – kufadzwa nekuona pamwe nekuratidza kusapfeka nekuita zvinhu zvisina kufanira kuitwa nevasina kuwanana.
Regai mupfanha uye akaimba achiti, “Rima racho ranyanya, toda chiedza.” Zvimwe zvinhu zvinoda kubatsirana. Mhuri iyi yakarega kubatsira baba vakavaraira kuti vagere vhudzi rese, asi kuona kwanguwo zvangu ndiri kure kuno kwandiri, baba ava vaida kubatsirwa, uye nazvino pfungwa dzavo dzinenge dziri kuda kumbovhenekwa.
Padzinza rese paifanira kuwana mumwe anokahadzika obvunzisisa. Chakanakira mibvunzo ndechekuti inokonzera kufunga, uye inoyanika hupenzi pachena.
Kana munhu achida kuita mhiko, ngaaregere kuita achishandisa mazita, vhudzi kana chimwe chinhu chemumwe munhu. Mhiko dzerima kurara pamubhedha weminzwa. Jesu chete ndiye ane mhiko ine chiedza neupenyu husingapere.




